GRADE 7: Mazita ezvekudya

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KUDYA ndiwo musimboti weraramo. Hupenyu hwedu hunoendeka kana tichinge tichiwana kudya kwakanaka uye kunovaka muviri.

Mazuva ano kudya isharaude asi kuzhinji kwacho kunokuvadza.

Zvasiyana nekudya kwaiveko kare uko kwaaita kuti vana vakure vari zvigwindiri. Vaisarwara nhando nekuda kwekuti vaiziva mhando dzekudya dzaivaka miviri.

Mumasango maiwanikwa michero yakasiyana-siyana yaivaka muviri. Vanhu vaitsvaga nzira dzakasiyana dzekudya nadzo michero iyoyo kunze kwekungotanha kana kunhonga vachidya.

Vanhu vakatanga kutora matamba vachigadzira muto vobika. Vaigadzira kudya kwainzi munhandabota. Rimwe zita remunhandabota ndimudzamba.

Vaisapererwaba vanhu ava nekuti vakabva vafunga zano rekugadzira dondore kana kuti nhopi.

Dondore rinogadzirwa nemuto wemazhanje wakakanywa kuita bota. Sadza rikasara manheru harifanirwi kuraswa asi kuti rinodziiswa rungwanani rodyiwa semunya kana kuti mukucha. Vamwewo vanodaidza sadza iri kunzi muradza.

Nekuda kwekuwanda kwehacha mumatunhu, vanhu vakaronga zano rekudya naro hacha kunze kwekudya dzadonha pasi. Vakatanga kutswa hacha dziya vodzikanyanisa nemvura kwava kugadzira kudya kunonzi mahanya kana kuti manyeu.

Kunze kwekungodya chibage chakabikwa chinyoro nechakagochwa, chinogona zvakare kubikwa semangai. Chinogona zvakare kutorwa chotswiwa chozobikwa. Kudya kwakadai kunonzi mashazhare kana kuti manhuchu. Mangai anodaidzwa nerimwe zita rekuti magwadya.

Miriwo mizhinji inotinakira iri munyoro. Miriwo iyoyo zvakare inovaka miviri asi dambudziko nderekuti inokuva. Vanhu vakazoronga zano raigona kuti miriwo iyi iwanikwe chero risiri Zhizha. Nokudaro tinowana mufushwa wetsunga kana wenyembe. Kufusha uku kunosvika kumanhanga chaiko nechibage. Mufushwa wechibage wonzi mumhare. Iwo muriwo wose wakaomeswa unonzi mufushwa kana kuti musone. Unodaidza zvakare kunzi mutsotso.

Vamwe vanobika manhanga pamwe chete netsanga dzechibage. Kudya kunobata dumbu zvakanyanya uye kunonzi mukan’a. Mapfunde akadzvurwa anonzi mashagada.

Nzara inodzidzisa vanhu kuita mhindupindu. Vanhu vakadzidzira kukuya mhodzi nekuumba kudziita zvibhora. Dzaumbwa kuitwa zvibhora kudaro dzinobikwa. Kudya ikoko kunonzi mabumbe kana kuti undu.

Muminda matinorima tinowanikwa mhodzi dzemanhanga nedzemunyemba. Nyemba idzi dzinogona kutemwa dziri nyoro dzobikwa kudya kunonzi mahove kana kuti mukove. Usavi hwenzungu dzakamanzwa hunonzi chidokohori kana kuti chanzvirwa.

Dovi rinogona kukwatiswa risina chinhu mukati maro robva radaidzwa kuti gwatakwata, nhakara kana kuti dakataka. Kare vanhu vaiva netsika yekubata zvimbwanana zvobikwa. Usavi ihoho hwezvimbwanana hwainzi mbudziruonje.

Kune vanodyawo nyama yetsoko. Zvinonzi nyama yetsoko inoda yaomeswa zvimwe chetezvo nyeye gudo. Nyama iyoyi inodaidzwa kuti nhongoruware. Nyama yegweshadombo inonzi hukurutombo. Usavi hwemvura yakaiswa munyu hunonzi mutowavhumbu kana kuti nhanhamuto.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>