GRADE 7: Mazwi anoreva zvakasiyana

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

CHISHONA chamandorokwati chinoburitsa mazwi anoreva zvakafanana kozotiwo anoreva zvakasiyana. Izwi rimwe chete rinogona kureva zvinhu zvakawanda zvakasiyana sekuti “kunyara” kana munhu akaneta parwendo rwaafamba anoti ndanyara chaizvo. Anenge achireva kuneta nekufamba. Kunozotiwo kunyara kunobuda apo panenge paita zvisina kutsarukana.

Mukutaura tinoti munhu uyo akapfuma tichireva kuti akanota, ane zvinhu zvake zvinokosha zvakawanada.

Nerumwe rutivi kupfuma kusona chinhu nedumbo, kunyanya matsaga echikafu.

Tinoti nyora tichireva kunemba kana kuisa mucherechedzo papepa wamazwi. Tinoti zvakare nyora tichireva zviya zvinochekwa pamuviri nenhavhaya tichiisa mushonga. Tinoti zvakare nhanga tichireva imba inorara vasikana asi nerumwe rutivi tinoti nhanga tichireva chirimwa chonobuda pamunhanga kana kuti mutikiti.

Tikati naka tinogona kunge tichireva kutapira kana kururama tichireva zvakare naka wegore rino. Naka kune nzara zvichireva kuti gore rino kune nzara.

Izwi rekuti “nhema” rinogona kureva mhuka yemusango yakada kuita semombe. Tinogona zvakare kuti nhema tichireva ruvara. Izwi iroro rinogona kushanda pakuti ane nhema kureva kuti anotaura manyepo kana kuti anofoya.

Zvinonzi anwa mvura akagungwa kududza kuti apedza nyota. Kuti gungwa zvinoreva zvakare kuti nyanza. Kugungwa ndizvo zvimwe chete nekugondwa.

Kana mapudzi akaibva zvakapfurikidza zvekuti haachabikika tinoti akomba. Anenge aomarara zvekuti pakubikwa haachaibva. Kukomba zvakare kunoreva kutenderedza chinhu muchichiisa pakati. Mwana anodya mumamana anonzi anokwata zvakarewo kukwata kunoreva kurovana rovana kwebota kana ranzwa moto.

Kana mukomana achipfimba musikana tinoti ari kukonza. Iro izwi rekuti kukonza rinoreva zvakare kusakisa kuti chimwe chinhu chiitike. Kufuta kwemunhu tinoti kukora tichigona kureva zvakare kukora kuya kwekusvotwa kunokuvadza kana kudhaka. Tinogaya chibage uye gaya zvinoreva zvakare kuti gakandye.

Kana uchihaka zvinhu unenge uchikochekera, kunyanya ngetani, nerumwe rutivi haka ndiyo harakabvuka. Chinova chipuka chine nyama inodyiwa nemadzishe.

Doro munda wemubani unorimwa tsenza. Zvakare doro hwahwa. Mukono wemhembwe unonzi dimura kozoti kana tichidimura chinhu tinenge togwishura.

Tinoti kungura kugeza kana kukarava asi kana chinhu chagarisa chisingasevenzi chinotsvukuruka kuita ngura. Kana munhu achikwaya rwiyo tinoti ari kuimba asi imba chivakwa chinogarwa nevanhu.

Kana tichipa murwerwe kudya nekumugezesa tinoti kupepa murwere kozoti kana tonyora tinoshandisa pepa. Kana uchisvika pachinhu uchihwandira tinoti uri kunyanga tozoti nyanga tichireva nyanga dzemomnbe kana dzimwe mhuka.

Kana mukadzi akaroiwa kuti asabereke kunonzi kupinga tozoti kana munhu akarohwa ndare tinoti apingwa.

Share This:

Sponsored Links