Grade 7: Mhando dzerondedzero

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUCHIKAMU chino tinotarisa mhando dzerondedzero dzatinotarisirwa kugona. Tichatarisa mhando idzi tichiburitsa mafambisirwo adzinofanirwa kuitwa.

Tine mhando dzinogona kupfuura shanu dzerondedzero idzo dzatichataura nezvadzo uye tichiburitsa kusiyana kwadzo.

Kune rondedzero yetsanangudzo (descriptive) iyo inobata mamiriro akaita chinhu. Angava munhu, mhuka kana chimwewo chinhu zvacho. Chinokwanisa kutsanangudzwa chinhu chinoonekwa namaziso, kana kubatika. Chinogona zvakare kuva chinhu chinonhuhwidzika.

Chinodiwa kutsanangudza chinhu nomutoo wekuti munhu anokwanisa kuumba mufananidzo wechinhu ichocho mumusoro make kana asingachizivi. Kana muverengi wechinyorwa achiziva chinhu chacho, anofanirwa kugutsikana kuti chatsanangurwa nemazvo uye semaziviro aanochiita.

Mukuita tsanangudzo, kune mhando dzemazwi dzinofanira kutibatsira kusvika pamwongo wetsanangudzo yedu zvakafanana nekushandisa fananidzo kana mazwi etsanangudzo. Kana tichida kutsanangudza murume ane mhumhu mukuru tingashandisa mazwi etsanangudzo akaita seaya; hwitakwi, mbuswe kana hamburamakaka yerume. Tinogona zvakare kushandisa fananidzo pahwitakwi yerume iroro tichitaura nezvemaoko anenge matanda nemazitsoka anenge zvikuvauro zvekuroveresa uriri hwemba.

Mhando yechipiri yerondedzero ndeye nhoorondo (narrative) apo tinotaura zviitiko. Chinodiwa kuburutsa maitikiro ezvinhu nemutowo unotekenyedza pfungwa kwete kutaura nemutoo wakaota.

Chinogona kuburitsa izvi kugona kutsvaga zvirungamutauro zvinodakadza. Munhu ari kupa nhoroondo yetsaona yakaitika akanyora achiti, “Paiva neropa rakawanda” asiyana neanoti, “Paiva nemativi nenzizi dzeropa.” Pakupa nhoroondo panoda ugo neutesve hwekushandisa tsumo, madikira nyaudzosingwi, zvipauro pamwe nefananidzo.

Murondedzero yenhoroondo iri pamusoro iyi ndipo panonyanya kumhanyirirwa navazhinji nekuti ndipo patinoona misoro yenyaya yakafanana neinoti, Zuva randisingakanganwi, Muchato wakandifadza, Tsaona yandakaona kana Mabiko andakakokwa. Zvakawanda zvekunyora nekudaro vazhinji vanomhanyira ikoko.

Kana kwawanda vanhu zvoreva kuti kukwikwidzana kwava kwemhando yepamusoro nekudaro kunodawo ndyaringo nezvidavado zvekurunga mutauro zvemhando yepamusoro. Musoro unotaura nezvezuva randisingakanganwi unoda kuti tizive kuti rinogona kunge riri zuva rakakurwadza zvikuru kana kuti zuva rawakafara zvakanyanya. Kune zvirungamutauro zvinoburitsa kufara kukuru kouyawo zvinoburitsa kusuwa kukuru.

Taimbosangana nerondedzero yaida kuti tishandise hurongwa hwakapiwa chero zvazvo mazuva ano zvava zvishoma pabvunzo redu. Paigona kupiwa musoro wenyaya popiwazve pfungwa dzekunzi usanganise nezviri mupfungwa dzako.

Izvi zvaibatsira vana kuti vasarasike kana kubuda mugwara asiwo zvaibva zvabopa utsanzi hwevana hwekuti varatidze ugo hwavo.

Tichafambira mberi tichibata dzimwe mhando dzerondedzero muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links