GRADE 7: Mwaka yegore

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danda
MUKUPINDANA kwamazuva munobuda zviratidzo zvakasiyana-siyana. Miti inodonha mashizha, dzimwe nguva inozotungira igoita pfumvudza yogosvibira zvakare. Nzizi dzinombopwa kuti gwaa dzozotanga zvakare kuyerera dzava neupenyu. Mombe chaidzo dzinombofudzwa dzozosvika pakusairirwa zvakare apo gore rine nge richitofamba.

Kushanduka kwemaririro ezvinhu ikoku kunodudza kuvakwa kwakaitwa mwaka yegore. Mwaka yegore mina chete asi mukati mayo munoitika zvakawanda.

Mumwaka wega-wega munowanikwa mwedzi mitatu chero zvazvo mwaka ichigona kudarikidza mwedzi yayo zvichienderana nekunonoka kana kukurumidza kunaya kwemvura.

Kune mwaka unoputira mwedzi mitatu inoti Mbudzi, Ndira naZvita. Uyu ndiwo unonzi Zhizha kana kuti Zhezha.

Mumwaka uyu munoitika twakawanda wanda twunosnaganisira kunaya kwemvura nekunanaira kwetwundira mumakomo.

Kunotanga nemvura yemunhuruka kwozonaya zhinji yeZhizha. Vanhu vanorima nekudyara mbesa pasi.

Mombe dzinotanga kuchengetedzwa kubva kuzvirimwa. Uswa nembesa zvinomera uye shiri dzinonzi mashuramurove nemafudzamombe dzinouya kubva kunyika dzinotonhora.

Twupuka twunonanaira twunowanda mumwaka iwoyo. Nekuda kwenzizi dzinenge dzoomba nemvura, vanhu vanoteya matuwo kuti vabate hove.

Muna Ndira nzara inoruma nekuda kwekupera kwechikafu mumatura. Chisi chinoeriswa.

Mwaka iyi ine muronga sehove, inononopindirana zvakanaka chose.

Tabva muZhizha tinoenda muMasutso vamwe vachiiti Matsutso. Masutso unoputira mwedzi mitatu yaKukadzi, Kurume naKubvumbi. Mvura inenge yonaya mumaenza.

Mumwaka uyu zvirimwa zvinenge zvasviba zvoda kubviswa muminda. Ndiyo nguva yekucheka zviyo, mupunga nemhunga. Mapfunde anovabvurwa uye nzungu dzinenge dzodzurwa. Nyimo dzinoumburwa muminda zvakare mumwaka uyu ndimo munowanikwa nguva yekuruka masengende netswanda zvokuzoshandisa pakutakura zvinhu muminda.

Ndiyo zvakare nguva yekumora uchi nekutandira urimbo hwekubata shiri dzinoita zaza pamakoto.

Zvikomana ndipo pazvinoenda kunoteya misungo yekubata mhuka nokunobaya sema. MuMasutso imomo chisi chinomira kueriswa.

Matura anenege ofashikira nzara ichiperawo.

Kungonoti ibvei muMasutso tinobva tati kwede muChando. Mwaka weChando unoputira mwedzi mitatu inoti Chivabvu, Chikumi, naChikunguru. Kunonaya mvura shoma inonzi yemadziurachando.

Zviyo nemapfunde zvinenge zvisati zvapedzwa kuchekwa zvinopedziswa nguva iyi uye vanhu vanoenderera mberi nekumora uchi.

Mabasa okuteya shiri neurimbo anenge onyanya kuitwa nekuti shiri dzinenge dzichiuya chaizvo kumakoto.

Vakomana vanenge vachishenaira nekuteya misungo yekubata mhuka.

Vanhu vanotsvaga matanda ehuni dzekudziya.

Zvekupedzesera muminda zvinenge zvichipedziswa nemunyorondega unenge wopfupfudzwa kekupedzisira.

Kunoita chando chizhinji apo vanhu vanoswera vari mudzimba vachidziya moto.

Mwaka wekupedzisira unonzi Chirimo. Vanhu vanenge vapedza kupura nekurongedza zvirimwa mumatura.

MuChirimo munonaya mvura yegukurahundi.

Ndiyo nguva inorohwa makuva. Mabasa anenge ava mashoma, mombe dzosairirwa naizvozvo zvikomana zvinoswera zvichituhwina. Vamwe vanenge vava nenguva yekushanyirana.

Ngoma dzemafaro dzinenge dzotambwa uye vanopira kumudzimu ndiyo nguva yacho. Mumwaka uyu munonaya zvakare mvura yebumharutsva.

Share This:

Sponsored Links