Grade 7: Tsamba imhando yerondedzero

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
PANORAIRWA mwana wamambo newewo muranda terera. Ibva wati nzeve ngwangwangwa nokuti vana vamambo vanopiwa rairo yekuti vasazowanikwe vachiita zvisizvo izvo zvinogona kuzonyadzisa mambo. Dzidziso yavo inoitwa nemazvo kuitira kuti vana ava vagoita zvinhu zvinoyemurwa nemunhu wese.

Zvakangofanana nevana vane rombo rakanaka kusangana nebepanhau reKwayedza iro rinobva rati nemonemo bvoo.
Takazamurira mhando dzerondedzero tikatadza kudzipedza dzose nekudaro tinoda kuti tigodzibatira patakasiira tichipa dzidziso iyo tinoda kuti vana vose vagowanikwa vachiitevedzera. Chero zvazvo mazuva ano rondedzero zhinji dzeshona dzava dzekungonyora pasina kana kubatsira mwana nepfungwa dzekutevedzera, tinowana imwe mhando yerondedzero ichiuya ichinangana nekushandisa pfungwa dzakapiwa. Kazhinji izvi tinozviita kana tiri paya pakuda kudzidzisa vana manyorerwo erondedzero kwete pabvunzo. Tinofanirwa kupa vana pfungwa dzekushandisa murondedzero kwete nguva dzose.

Rondedzero yakapiwa pfungwa inobatsira vana kuvapinza mugwara ratinenge tichida kuzotevedza. Pakupa vana ava pfungwa dzekushandisa ngatisiyeiwo mukana wekuti vagozowedzerawo nedzavo pfungwa kwete kubva tavapa dzose. Iyi mhando yakanakira kuti vana havabudi mugwara asi topota tichivarumura tichivapawo dzisina kutungamirirwa nekuti dzepabvunzo dzinenge dzisina kutungamirwa dzose.

Rondedzero yegakava inoda vana vane pfungwa dzinopinza. Gakava rinofanirwa kuburitsa nharo dzichibva kumunyori uyo anogona kunyora asingabvumirane nezviri kutaurwa nemunyori.

Munyori anofanirwa kusimbaradza gwara raanenge atora nekunyora mashoko akasimba anotsigira pfungwa yake.
Mukunyora gakava, munyori anofanirwa kuburitsa hunyori hunoenda uko neuko sezvakaita tsukukuviri.

Munyori anofanirwa kufamba nemativi acho ese ari maviri dzamara asvika apo anozotora divi rimwechete raanoramba arerekera dzamara gakava rake rapera. Iyi mhando inoda vana chaivo vakasimba muchiShona chavo uye vakawana dzidziso yakakwana kubva kuvarairidzi vavo.

Dzimwewo nguva vana vanopiwa rondedzero yemhando yefungidziro apo vana vanonyora vachitaura pamusoro pekunge vasisiri zvavari iko zvino. Iyi mhando inopa vana mukana wekuburitsa zviroto mukati mekurarama kwavo apo vanonzi vanyore vari pachigaro chehutungamiri hwenyika.

Vanonyora vana vachitaura zvavaizoita dai vaive vatyairi vendege, vana mukoti kana vatungamiri venyika. Apa vana vanombowana mukana wekurasa ndangariro vachimbofunga zvinodakadza zvavaizogona kuita dai vaiwana mikana iyoyo.

Tikasataura nezve tsamba patinokurukura nezvemhando dzerondedzero tinenge tisina kupedza zvose zvinoenderana nerondedzero. Tsamba dzinowanikwa dzirimoo murondedzero imomo asi dziine hurongwa hwadzo. Tsamba idzi dzinowanikwa dziri paviri.

Kune tsamba dzeushamwari kozoita tsamba dzebasa. Tsamba idzi dzinoonekwa musiyano nekuda kwemanyorerwo adzinoitwa.
Tsamba yehushamwari haina nhongwa dzakawanda nekuti inongoda kero yayo imwechete zvichisanganisira nezuva ranyorwa tsamba. Wabva pakero unobva watoenda kunokoshesa wauri kunyorera. Uchipedza nechenjedzo yako unobva wapinda mukutaura zvauri kuda mutsamba imomo.

Mhando iyi yerondedzero inobvumidza munyori kunyora zvose zvangouya mupfungwa zvaangangoda kubvunza nekuti hakuna miganhu inofanirwa kugumirwa.

Kana yava tsamba yebasa zvinenge zvatosiyana nekuti twakawanda twunodiwa. Zvinotangira kukero idzo dzinonyorwa dziri mbiri kusanganisira neyekunoenda tsamba. Panozonyorwa donzvo retsamba iro rinogona kunyorwa nemavara maduku rozoiswa mutaro kana kuti ronyorwa namavara makuru chete.

Mhedziso dzacho dzinosiyana pakuti yeshamwari haina basa nezita rizere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>