GRADE 7: Usavi hwaidyiwa pasichigare

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KARE vanhu vaisaswera muminda zvoitwa mazuva ano asi kuti varume vaienda musango kunovhima mhuka dzaivapa nyama. Madzimai aimiramirawo nekwavo mukutsvagawo zvaisesedzana nenyama mugapu. Vaivawo nemhando dzemiriwo dzavaiziva kunotemha musango vachibikira mhuri.

Vainotemha chirevereve, furanondo kana mowa. Vaiva namabikiro avo aiita kuti muriwo iwoyo ugonaka iwo wabikwa munjonjo. Munjonjo muriwo usina mafuta.

Vaitemha zvakare mujakari, nyevhe neruni vachibikira mhuri.

Vanhukadzi ivavo vainononga nekutemha howa musango. Nyaya yehohwa inoda vanhu vanoziva hunodyiwa nehusingadyiwi nekuti humwe hohwa hunokora kana kuti hunouraya.

Nokuda kwekuti hohwa hunogona kutora upenyu hwemunhu, tinoda kutarisa mazita ehohwa hunodyiwa zvisina dambudziko.

Kune kahohwa kanonzi tsvuketsvuke ako kanoti mvura ichingonaya kobva katsvukisa masango. Rimwe zita racho kanonzi kafirifiti.

Pane hohwa hunonzi uzutwe kana kuti uzukweuzukwe hunomera pachuru. Uzutwe hwakasiyana nehuvhe iyo inowanikwa zvakare pazvuru.

Huvhe hohwa hukuru hunoita guvhu uye mudzi wakareba. Huvhe inoonekwa paya panonaya mvura zhinji. Chihombiro nechitsoka hohwa hupfupi hunozivikanwa nembiri yekunaka.

Kunowanikwawo hohwa hunonzi nhedzi uhwo hunotsvedzerera uye huchibuda pachuru. Nhedzi inonaka zvikuru.

Nzeveyambuya hohwa hunenge tunzeve twembwa. Kune kamwe kahohwa kasingadyiwi kari kanyoro. Kanotongoda kakafushwa. Kahohwa ikaka kanonzi nyakasheshe. Kanoda kufanana nekahohwa kamwe kanouraya kana kakadyiwa kari kanyoro kanonzi kumudzihakunamakuva. Mhindupindu dzekutsvaga chekudya kana kusevesa dzakadzidzisa vanhu kudya madora. Madora anozivikanwa zvikuru nenyaya yekupa utano nekuvaka muviri.

Kune madora anonzi chiwizi. Aya anowanikwa mumuti wemukute kana kuti mubonda. Tine mashonjwa ayo akati chenurukei anowanikwa mumunhondo, mupani kana musasa.

Manhemeteme anowanikwa mumusasa. Masinini anowanikwa mumubonda. Harati dzinowanikwa mumukarati nhongotokowa dzichiwanikwawo mumutowa.

Husavi hwaiwedzerwa zvakare nembeva. Mbeva idzodzi dziri pakawanda. Kunowanikwa mbeva inonzi danhazvuru iyo inotambira pamwena nemakuru epazvuru. Kunowanikwawo dapi rinova zimbeva guru rinotambira makanyorova kunyanya mumatimbwa.

Kanhuru ndiko kambeva kane mitsetse mitema pamusana. Kanonyanyowanikwa mumadhunduru ane huswa hwakawanda.

Shana imbeva ine mafuta inobatwa munguva yekukohwa. Nhika imwezve mhando yembeva kuchiti mbende zimbeva guru zvakafanira rine mbiri yekudheka nekunzvenga vanodzichera vachipondana mipimbiri nemapadza nekuripotsa.

Huchi, makurwe nehove ndizvo zvimwe zvaiwedzera mhando dzeusavi. Pahuchi tinowana mhando shanu dzinoti hwomukoko, mbadzi, chifoka, dendende nemonga. Kumakurwe kunowanikwa nyaruzanda nechinyamunjwiriri. Hove dzinonyanyozivikanwa makwaya, miramba, majenya, hunga nechibayangwena.

Share This:

Sponsored Links