GRADE 7: Zl Kuteerera l Kutaura l Kuverenga l Kunyoravaunoda kuziva . . .

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ICHOKWADI kuti kana tati tapinda tapinda hapana chichatidzosera shure. Tava kutotarira zvemberi bedzi. Chinouya chinotiwaniramo nekuti hatichadududzi kudzoka kumashure. Hatidi vaya vanoda zvokusundwa sebhara risingabvi parakasiiwa kunze kwekunge rasundwa.

Tinoda vanosundwa nechido chekusimudzira chiShona chedu tigopota tichichisvisvina zvisina kana anopokana nazvo. Zvino tati tichipetera Ndira uno tichionesana zvatinotarisirwa isu pakudzidza chiShona chedu.

Ngatitangei nekuongorora mamiriro anenge akaita huremu hwemapepa maviri aya andakataura nezvawo muchikamu chadarika.

Chirongwa chiripasi chinoratidza uremu hwemapepa iwaya nezvibonzwa kana kuti mamakisi acho.

Ndaita izvi kuti tione huremu hwePepa 2 huri pamusoro pePepa 1. Nokudaro basa guru rinofanirwa kunyanyobatwa kupepa repiri uko kunova kunoridiguka vakawanda.

Zvataona huremu hwepepa tava kuda kuchitarisa kuti vana vegwaro rechinomwe (Grade 7) vanotarisirwa kunge voziva chii panosvika bvunzo dzavo. Tine zvinhu zvina zvinotarisirwa kuti vana ava vange vokwanisa kutevedzera mukaha iri mazviri. Misoro mina iyi inoti kuteerera, kutaura, kuverenga nekunyora.

KUTEERERA:

Mwana anotarisirwa kukwanisa kutsinhira mitinhimira yemavara nemaumbirwo enyaudzira. Vana vanokarirwa kuziva vanhu vane mukurumbira kubudikidza nemazwi avo. Vanofanirwa kugona kuteerera kuchidimbu chenyaya nekuzochipedzisa nepfungwa dzavo. Pakuteerera apa vana vanokatarisirwa kukwanisa kuteerera nyaya dzinobva mumaredhiyo nekudzitaurawo. Vana vave mugwaro iri vanofanirwa kugona kuteerera kuruzivo rwakatapwa nekusarudza mazwi nepfungwa dzinokosha. Chekugumisira vana ivava vanotarisirwa kukwanisa kupinda muchikwata chenhaurirano nevamwe kwemaminitsi anoti pfuurei mashanu.

KUTAURA:

Vana vegwaro rino vanotarisirwa kuita gakava pamusoro penyaya dziri kuitika munyika kana munharaunda.

Vanofanirwa kugona kurondedzera nyaya dzavaverenga nekupa pfupikiso yenyaya. Vanokarirwazve kugona kusvitsa nemazvo mashoko anobva muzvinyorwa. Vanotarisirwa zvakare kugona kupindura mibvunzo yabvunzwa. Vana ivava vanofanirwa kutaura nhamba kusvika kumirioni. Ngavange vagona kutsanangudza mamiriro emidziyo, vanhu nezviitiko. Tinotarisira zvakare kuti vana ivava vagone kudedemura nhetembo. Chikurusa ndechekuti vanofanirwa kugona kushandisa zvirunga mutauro pakakodzera.

KUVERENGA:

Vanofanira kunge vogona kuverenga nekupindura mibvunzo iri pamusoro penyaya yavanenge vaverenga. Vanofanirwa kukwanisa kutevedzera rairo dzakanyorwa nekutsvaga zvinoreva mazwi sekushandiswa kwaanenge akaitwa mundima. Vanofanirwa kuverenga nezwi rinonzwika vachidura mazwi. Ngavange vogona kuverenga nyaya nekudzipfupikisa.

KUNYORA:

Vana ava vanotarisirwa kugona kunyora tsamba yebasa ine hudzamu. Vanofanirwa kugona kunyora rondedzero inopfuura mazwi zana vachishandisa zvirunga mutauro zvakakodzera. Ngavange vogona kunyora nhoroondo yakaitika nemazvo uye kushandisa pfekedzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>