Grade 7: Zvakanangana nerufu

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha danga

NZVIMBO nenzvimbo dzinogona kuita zvakasiyana kana dziri nyaya dzerufu maererano netsika dzavanenge vachitevedzera. Tinoda kugara tajekesa kuti munhu akashaya, kana asati avigwa anenge achinzi chitunha kana mutumbi asi kana avigwa anenge onzi mushakabvu. 

Nyaya dzekuvigwa kwevafi dzine tsika dzinotevedzwa dzakasiyana zvichienderana nenzvimbo. Kazhinji tinoziva kuti munhu kana ashaya zvinongotora mazuva maviri kana matatu obva atovigwa kana kuraswa. Uyu anenge ari munhu nje hake asina chinzvimbo mudunhu.

Zvino kana ari mambo hazviite kuti aziviviswe kuruzhinji kuti ashaya zuva iroro. Shoko rerufu rwamambo rinogona kutora kana mwedzi risati raburitswa. Vatana vemufi nevamwe vemudzinde remba yehumambo vanenge vari mushishi yekutevedza tsika dzinosanganisira kuomeswa kwemutumbi.

Munguva iyoyi chero vana vadiki vemumba imomo havatomboziviswa. Ndiyo nguva zvekare inenge ichikumikidzwa mutumbi kumidzimu yake. Panguva iyoyi zvakare muninga maanenge achanovigwa munofanirwa kucheneswa nekushonongorwa kuti mufi agozogona kugara nevamwe vashakabvu zvakanaka.

Kana zvese izvi zvapera mhere yochiridzwa. Madzimambo anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi.

Zvinotevera muchinyorwa chino zvinoitwa kwakawanda kune chero mufi hake. Mumaruwa tinopepa varwere vari muzvipatara kana mudzimba asi pane pamwe panokomba urwere zvekuti tinenge tangomirira zuva rekuti nyama nemweya zvichipesana. Murwere uyu anenge opeperwa panzvimbo yaanovakirwa unonzi musasa.  Kana zvino nyama nemweya zvapesana kune mari inobviswa kusuma vana atezvarwa nezvekufa kwemwana wavo iyo inoiswa pashizha inonzi mhere. Kana vanhu vanzwa shoko rerufu vanokotonoka nouwandu hwavo vachienda kunobata maoko. Kubata maoko itsika yedu vatema apo tinokumbura vawirwa nedambudziko tichivanyaradza nemashoko.

Kana tabata maoko tinobva tazadzisa nekubvisa mari yechema. Mufi anounganirwa nehama neshamwari nokudaro panodiwa husavi. Panobva pauraiwa mombe inonzi yenhevedzo. Kune dzimwe nzvimbo panhevedzo iyoyo panobviswa chinhengo chenyama chinopisirwa mufi utsi huchipfungaira mudenga iyo inodaidzwa kuti pfungdaidzo.

Munhu mukuru anovigwa muguva kana kuti murinda. Vamwe vanodaidza rinda kuti bwiro. Vana vadiki vanovigwa mujinga morukova, pasi pomukute kana mutsamvi. Kana

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>