GRADE 7: Zverudo newanano

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NHOROONDO yerudo nekuzowanana haizi nyore uye inoda kuzvipira, kunyanya kana pachida kuzobuda chakanaka. Kana zviri zvekutungana kwembudzi muchiwaya ndipo tinoona kusairirana kunyanya pachinge paita mimba nekuti vanhu vanenge vachiita zvemahumbwe. Vane upenyu hunoenda kure vane gwara ravanotevedzera kubvira vachitanga kutsvetsvana dzamara Mwari avaparadzanisa.

Vanhu vakare vaiva nemuronga sehove. Vaidzidzisa majaya nemhandara kuti varoorane vematongo zvichireva kuti vaifanirwa kuroorana vanhu vemunharaunda imwe chete vanozivana pamagariro. Vakuru vaiziva mafambiro nehunhu hwemhuri yemunharaunda imomo nekudaro munhu airoora munhu ane hunhu hwaaiziva.

Zvasiyana nezvanhasi uno kuti vanhu vosangana muchitima vachienda kwaMutare votopfimbana zvekutosvika paMarondera votodanana. Naidzo nharembozha dzakazouya idzi, vanetenge vototumirana zvakadzama asi pasina anoziva hunhu hwemumwe.

Kare mukomana aisatanga nekungoti povo kupfimba musikana kwete. Aitora nguva achidzidza mafambiro emusikana. Kana agutsikana nehunhu hwemhandara yaanoda haaienda oga kunotaura naye. Aitsvaga wekutuma akavimbika kuti aende kunomutsvetsvera musikana. Aituma uyu aitumidzwa zita rekuti gwevedzi.

Vaitsaurana gwevedzi nemusikana kusvika pakuwirirana kana kukonana. Kana vachinge vawirirana ndipo pavaizosanganiswa negwevedzi kuti vachikurukurirana voga. Kana nyaya dziya dzapindirana musikana abvuma kuda mukomana vanobva vaenda kwavatete apo musikana anonopa mukomana chinhu chekuratidza kuti amuda chinonzi mubato kana kuti chindakuda.

Vaviri ava vanochitanga kufambidzana zviri muruzivo rwavatete negwevedzi. Kana mukomana azodisisa musikana wake aipa musikana mucherechedzo wekumudisa zvikuru, iya inonzi nhumbi kana kuti nduma.

Kana rudo zvino rwapisa vaviri ava vanosvika pakuzoda kuroorana. Kufambidzana kwavo kunenge kwakajeka kuri mumaziso avatete. Kana vovimbisana kuroorana vose vanoenda kuya kwavatete vonotaurirana navo. Kana vawirirana vose mukomana nemusikana vanobvisa mucherechedzo wechivimbiso chekuroorana. Mucherechedzo wavanobvisa unonzi chitsidzo.

Pavanobvusirana chitsidzo vanotaurirana navatete zuva ravanoda kuzowanana. Kana zuva iri rava kusvika panotsvagwa munhu anofambisa mashoko pakati pavatezvara nemukwasha. Munhu iyeye ndiye anotakura pfuma yekunorooresa. Munhu uyu anopihwa zita rekuti dombo, munyai, samukuru kana kuti samutume.

Munyai uyu ane gwara raanofanira kutevedzera nemazvo kusvika apedza kuroora. Tezvara vanotanga kubvunza mari yekuti varoori vabvumidzwe kusunungura homwe yavo yemari mumba mavatezvara.

Mari yavanobvisiswa iyi inonzi sunungurahomwe.
Vakuwasha ava vachashandisa ndiro yavatezvara umo vachaisa mari inenge yadaidzirwa. Muripo wendiro iyi unonzi mari yendiro.
Kuti basa richitangiswa kuitwa baba vemusikana vanoda kuripwa kuzotaura kwavachaita. Saka kuti vashame muromo kutaura nemunyai vanoda kuti mukwasha abvise mari yevhuramuromo. Kana pabviswa vhuramuromo tezvara vanoda kuziva kuti mukuwasha akaziva sei musha uyu nekudaro anobvisiswa mari inonzi makandinzwanani.

Kana mukwasha adai basa guru rochitanga. Tinoenda mberi nenyaya yewanano muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>