‘Handi kupenga, rinotori tarenda’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Handi kupenga,  rinotori tarenda’

Kwayedza

Daphne Machiri
NYANDURI wechidiki uyo ari kusimukira uye achigara muHarare anoti zvakakosha kuti vane matarenda ekudetemba vatsigirwe zvizere, kwete kuvatora sevanodzidzira kupenga, sezvo zvichiwanisa vamwe vavo raramo.

Sondlane Nyamezela Dube (22) — uyo anozivikanwa nezita rekudetemba rekuti Sox ari zvakare mutungamiri wesangano reYoung People‘s Voices — anoti vechidiki havafanirwe kunyara zvipo zvavo.

“Vazhinji vane matarenda ekudetemba vamwe vacho vanozviitira pajekerere zvakaita sekumabhawa, pazviteshi zvinokwirirwa mabhazi nemuzvimbo dzinenge dzizere vanhu. Kana vanhu vachiona izvi, havasi vose vanozvitambira sezvo vamwe vachitoti kudzidzira kupenga kwatinoita, vamwewo vachiti kushaya zvekuita.

“Asi nyaya iripo tinenge tichida kuti veruzhinji vaone matarenda edu pamwe nekuti vanzwe mashoko ane dzidziso,” anodaro Dube. Anoti donzvo ravo nderekusimudzira matarenda evechidiki.

“Pari zvino tange tichivandudza vananyanduri vechidiki vachangopedza chikoro,” anodaro.

“Kutanga kwegore rino ra2018, tichange tave kupinda muzvikoro kubva kupuraimari kusvika kusekondari tichivandudza matarenda avananyanduri. Chimwe chatiri kuda kuchengetedza tsika nemagariro kubudikidza nekuti vanhu vakoshese vananyanduri vemitauro yose seShona, Chewa, Tonga, Ndau, Ndebele nemimwe inotaurwa muno munyika,” anodaro Dube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>