‘Handina kumbofunga kuti uchandibata nechikomba’

04 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
‘Handina kumbofunga kuti uchandibata nechikomba’ Dare

Kwayedza

Tanyaradzwa Mujati

MUDZIMAI wekwaMutare, achibatsirana nechikomba chake, vakarova murume wake mushure mekunge avabata vachisasana muimba yavo yewanano.

Mercy Kananga akabva amhanya kudare reMutare Civil Court kuti apihwe gwaro redziviriro kumurume wake George Masvovera.

Mutongi wedare, muzvare Purity Gumbo, ndiye akaita nyaya iyi.

Kunyange akapa gwaro redziviriro riri kudivi raKananga, muzvare Gumbo anomuyambira kuti asashandisa gwaro iri kuvharidzira nyaya dzake.

Masvovera anoti akabva pamba achienda kwaChiadzwa asi akadzoka pamba zvavanga vasina kuronga uye asina kuzivisa. Anoti akashamisika kusvikowana mukadzi wake aine mumwe murume.

“Akafunga kuti ndakanga ndaita rwendo rwekuenda kwaChiadzwa semazuva ose asi handizive kuti chii chakaita kuti ndichinje hurongwa hwangu, ndidzoke kumba. Mukadzi wangu akanga aine chikomba chake.

“Ndakagogodza padhoo vakatora nguva inosvika awa vasina kuvhura.

“Pavakazovhura dhoo, mukadzi wangu akabatana nechikomba ichi kundirova. Vakandirova nesimbi, ndine rombo rakanaka kuti ndichiri mupenyu nekuti vaida kundiuraya.

“Muvakidzani akanzwa ndichichema ndichitsvaga rubatsiro ndiye akandimhanyisa kuchipatara. Pandakapora, ndakabva ndaendesa nyaya kumapurisa asi mukadzi wangu ainge asipo pose apa.

“Vese nechikomba chake vari kudiwa kumapurisa nenyaya yekundirova,” anodaro Masvovera.
Anoti akasangana naKananga muna2016 apo aigara nevana vake vaviri muimba ine makamuri maviri, asi akazoiwedzera kuita makamuri mana.

“Ndinotsvaga tsvaga, ndinoenda kuSouth Africa ndichitenga zvose zvinodiwa nevanhu vanotenga zvinhu zvangu. Ndinoita zvekare zvekuchera ndichitengesa ngoda.

“Kubva muziya rangu, ndinoona kuti mhuri yangu haitambure. Nekuda kwerudo naye, Kananga ndakamuvakira imba ine makamuri matanhatu munova mandave kudzingwa nhasi uno,” anodaro Masvovera.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakatanga kuona kusanduka kwemukadzi wangu, akanga asingachandibikira kana kundiwachira.

Pose pandaibvunza aiti ane zvimwe zvaanenge achiita. Zvakabva zvazobuda pachena pandakamubata aine chikomba.”

Masvovera anoti mukadzi wake akatsvaga gwaro redziviriro senzira yekuda kuvhara nyaya dzake dzekuti ave kuda kumuuraya.

Zvisinei, Kananga anoramba nyaya yekuti akaroorana naMasvovera achiti vanongochaisana mapoto.

“Handina kuroorana naye zviri pamutemo. Ndine murume uye tine vana vaviri tose. Pandakasangana naMasvovera paaibva kuBeitbridge ainge asina kana chinhu. Ndakamunzwira tsitsi, anga asina kana pekugara ndikamupa pekugara pamba pangu.

“Ndakabva ndamupa mari yekuti apote achienda kunze kwenyika achinotsvaga zvekuitengesa. Takachaya mapoto tose kwemakore maviri asi nekuda kwekugara achindituka nekundirova kwaanoita, ndakafunga kuti tisiyane. Zvino ave kuramba kubuda mumba mangu,” anodaro Kananga.

Zvisinei, Masvovera anoti Kananga mudzimai wake uye akabhadhara tsvakiraikuno kumba kwavo. Anoti ari kuunganidza mari yekubhadhara roora.

“Ndakaenda kumba kwavo ndikabhadhara tsvakirainkuno ndikabva ndapihwa zvinhu zvinodiwa paroora nezuva rekubhadhara roora racho, saka pamutemo ndiri murume wake,” anodaro Masvovera.
Kananga anozobvuma kuti Masvovera akabhadhara US$50 kumba kwavo setsvakiraikuno.

“Chokwadi ndechekuti murume wangu, asi kuti anga ave kusandura hunhu hwake. Anga ave kuita madzimai akawanda asi ndini ndakamupa mari yekutanga bhizimisi saka zvanga zvave kundirwadza. Ndizvo zvakaita kuti ndidewo kutsiva.

“Ndakasarudza kudanana nemumwe munhu uyo aiuya kumba pose paanenge ari kwaChiadzwa. Hatina kumbobvira tabatwa kunze kwamanje manje apo mumwe munhu akamunyeurira nezvechikomba change zvikazoita kuti andibate paakadzoka kumba asina kundiudza,” anodaro.

Masvovera anoti Kananga akanga auya nechikomba chake kudare ari mumota yaakamutengera kumurwadzisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>