‘Handingafire kaUS$20 kemukorokoza’

30 Nov, 2023 - 17:11 0 Views
‘Handingafire kaUS$20 kemukorokoza’ Sharon

Kwayedza

Munyori weKwayedza

US$20 yekuparadza upenyu hwese?

Uyu mubvunzo mukuru kubva kuvanasikana vekudunhu reUmguza, kuMatabeleland North.

Vanasikana ava vari muchirongwa cheSista to Sista mubhuku raNqakala kuWard 3, Umguza District.

Vanoti vari kuramba tsika yekunyengedzwa nemakorokoza anouya kuzoshandira munzvimbo iyi avo vanovakwezva nemari zvichizokonzeresa kukanganisika kweupenyu hwavo.

“Makorokoza anoda vanasikana vechidiki avo vavanonyengedza nemari vachivakwezva kuti vaite zvepabonde vasina kudzivirira izvo zvatiri kudzidza muchirongwa cheSista to Sista kuti zviri kuuraya upenyu hwedu vanasikana.

“Upenyu hwangu haungauraiwe neUS$20,” anodaro Sharon (16) anova mumwe wevamwe vari muchirongwa ichi.

VaVanisher Nkomo

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaVanisher Nkomo, vanoti vari kutambira chirongwa ichi nemufaro sezvo chaunza shanduko kuvanasikana avo vari kubatsirikana. Vanotenda National AIDS Council (NAC) nekufambisa chirongwa ichi.

“Vanasikana vazhinji vanga vachikanganisika upenyu hwavo nekukasira kupinda muwanano uye kubata pamuviri vachiri vadiki, asi chirongwa ichi chabatsira kuchenjedza vana ava. Tinotarisira kuti chicharamba chichifambira mberi zvakanaka sezvo NAC iri kufambisa chirongwa ichi mumatunhu akasiyana,” vanodaro VaNkomo.

NAC District AIDS Coordinator kuUmguza, VaMongiwabesuthu Ngwenya, vanoti vari kushanda nesimba kuderedza nyaya dzekuparadzirwa kwehutachiona hweHIV.

VaMongiwabesuthu Ngwenya

Vanoti chirongwa cheSista to Sista ndechimwe chezvirongwa zvavari kuona kushanda kwazvo mukudzidzisa vanasikana kuzvichengetedza kubva kuhutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

“Umguza District ndiyo nzvimbo ine kubatwa kwechirwere patsva nevanhu kwakanyanya kudarika mamwe matunhu muMatabeleland North. Chirongwa chakaita seichi chiri kubatsira kuderedza kupararira kwehutachiona.

“Tiri kuita zvikwata nezvikwata zvekubatsira vanasikana kuti vadzidze nyaya dzekuti vagone kuramba kuita zvepabonde nguva isati yakwana uye kuti vadzivirire panguva yebonde nedzimwe nzira dzakasiyana dzinovabatsira.

“Vazhinji tiri kuvadzidzisa kuramba kukwezvwa nemari nekuti zvinovaisa panjodzi yekutapurirwa hutachiona hweHIV,” vanodaro.

VaNgwenya vanoti vanasikana vazhinji vanokwezvwa mukuita bonde risina kudzivirirwa nemakorokoza kunzvimbo iyi nekuti anenge achishandisa mari kuti adiwe nevanasikana.

Share This:

Sponsored Links