Harimedi oraira vechidiki

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Harimedi oraira vechidiki Howard Harimedi

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzeChimurenga ari kusimukira, Howard Garan’anga Harimedi, akaparura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Amai Havarohwe’ iro rinokurudzira vana kuremekedza vabereki vavo. Harimedi, uyo anotsigirwa nechikwata cheDzanambira Crew, anoti vana vazhinji vemazuva ano vave kurasa hunhu saka nziyo dziri padambarefu rake iri akadzitsikisa nechinangwa chekuvarangaridza kuti vachengetedze mirairo yemubhaibheri inovakurudzira kuti varemekedze vabereki vavo.

Damberefu iri — Amai Havarohwe – rine nziyo dzakaita saAmai havarohwe, Vana vapera, Peace, Mwana aita sei? Mwana anenge rombe uye naZunza mukwende. “Mazuva ano handinzwisise kuti vana hunhu hwavo vaisepi, zvinonetsa kunzwisisa.

“Vazhinji vari kutora zvinodhaka izvo zvave kuvapengesa zvekuti vave kusvika pakurasa tsika dzavo votanga kutuka kana kurova anamai vavo kana vatsiurwa. “Ini ndakatora danho iri rekutsikisa mhanzi inokurudzira vechidiki vedu kuti vayeuke mirairo yebhaibheri raMwari rinoti kudza baba naamai vako kuti mazuva ako epanyika agowedzerwa,” anodaro Harimedi.

Muchinda uyu anoti iye zvino ari mushishi kubika DVD redambarefu rake iri iro anotarisira kuzoparura munguva inotevera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>