Harurwa: Kudya namambo!

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Harurwa: Kudya namambo!

Kwayedza

HARURWA tupukanana tunorarama nekudya mashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu asi tuchinyautsa mukanwa zvikuru kana tukabikwa nemazvo.

Svondo rino Mai Svodai Mugari vekuZaka, kuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mabikirwo eharurwa.

Zvinodiwa:
Harurwa dzakati wandei idzo dzaunogeza nemvura yakachena. Munyu nemafuta mashoma-shoma

Mabikiro:
Isa harurwa muchikari kana mupoto yakachena dziine mambava adzo. Chifashaidza mumvura shomanana ine munyu nemafuta mashoma.

Ita kuti mvura iyoyo ipere, asi hadzifanire kunyanya kuibva. Kuibva kweharurwa kunoonekwa nekuita ruvara rwakatsvukirira. Chidziyanika pazuva murusero kusvika dzanyatsooma.

Sarudza harurwa dziya dzinovava dzinonzi fuve wodzibvisa mune dzakanaka. Fuve inoonekwa neruvara rwakasviba uye inovava samare. Harurwa dzinodyiwa dzakadaro kana nesadza.

Vamwewo vanoti fuve inovava zvekuti munhu anochema kana achiidya uye inonzi inorapa chirwere cheAsthma. Regai vamwe vazoti harurwa manyautsa mukanwa chokwadi!

Harurwa kudya kweparwendo uye hadziwori zvekuti dzinogona kugara kwegore rose kana dzichinge dzaomeswa zvakanaka.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links