‘Hatidi yunifomu kuvhasiti’

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Hatidi yunifomu kuvhasiti’ Prof Murwira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VADZIDZI vekumayunivhesiti nemakoreji pamwe chete nevabereki vari kupa mafungiro avo akasiyana pamusoro pechikumbiro chakapihwa nekomisheni yeZimbabwe Gender Commission (ZGC) kuti vadzidzi vechidzimai vekuzvikoro zvepamusoro izvi vange vachipfeka mayunifomu kuitira kuti vasashungurudzwe nenzira yebonde.

Kwayedza inoita ongororo pamusoro panyaya iyi ndokuona kuti vadzidzi vechidzimai vari kupokana nazvo asi vamwe vechirume vari kuwirirana nepfungwa iyi.

“Kunyangwe ukapfeka yunifomu kana munhu achingoda kukubata chibharo anongokubhinya chete. Ndinoona sekuti zvipfeko hazvina chekuita nekuchengetedza vanhukadzi kubva kune vanovambunyikidza. Chakakosha ndechekuti dzidzo yevanasikana itsigirwe vachiwaniswawo mikana yekaenzana neyevarume,” anodaro Norah Muzira (20).

Hellen Humba (20) anoti mayunifomu anobatsira mukuvharidzira hurombo hunogona kunge huri mune vamwe vadzidzi asi hazvibatsire kuudzira vadzidzi vabva zera zvekupfeka.

“Munhu anogona kungoshaya hunhu chero akapfeka yunifomu saka hazvina kana basa kuti zvinzi vanhu vava nemakore anodarika 18 voudzwa zvekupfeka. Hatidi hudzvanyiriri hwakadaro, munhu akasununguka kupfeka zvaanoda, chakakosha kudzidza nekupasa chete.

“Kana munhu abhinywa, anoziva kwekunomhan’ara kana achida. Yunifomu haichengetedze nyama yemunhu asi inogona kutoita kuti vanhu vakuru ivavo vambunyikidze vadzidzi vachifunga kuti ipwere dziri mumayunifomu.

“Dzakawanda nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana vari muzvikoro, kureva kuti vanenge vasina kupfeka mayunifomu here? anodaro Humba.

Isacc Kazaza (19) anoti zvakakosha kuti vana vechikoro vose – kubva kupuraimari kusvika kuyunivhesiti – vapfeke mayunifomu.

“Yunifomu yakakosha nekuti vadzidzi vanofunda vaine mweya wehumwe. Tinoona vamwe vadzidzi kumayunivhesiti vava kuita kunge pfambi zvichitevera mapfekero avanoita vachisiya nyama dzakavandika dziri pachena. Vamwe vana vasingazive vanogumisira vava kutevedzera kana kuchiva mbatya idzodzo zvekusvika pakunoba kana kutengesa muviri kuti vaenzane nevanowana.

“Maticha chaiwo anonzwawo kuti ane vana kana vakapfeka mayunifomu nekuti vamwe vanotovhiringwawo pfungwa nekuda kwemapfekero evamwe vadzidzi,” anodaro.

Munashe Chikaradze (25) anoti mayunifomu haaite kuvadzidzi vava kuita makosi.

“Mayunifomu anongoda pwere. Zvinhu ngazvingogara zvakadaro. Pamwe panogona kudaro paine mumwe munhu ari kutoda kutanga kambani yekusona mayunifomu aya. Chii chanetsa kana chachinja mudzidzo yevanhu vakuru? Inga vari kungobura madhigirii avo vakapfeka hembe dzekumba. Ngavasada kupa vamwe vanhu mitoro,” anodaro.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vabereki avo vanopawo pfungwa dzavo.

“Kana iri yunifomu inovharidzira zvakawanda nekuti mwana anozoona sekuti akasarira pafashoni otadza kudzidza achichiva zvevamwe. Ini yemayunifomu ndinoitsigira.

“Kunyangwe mafata kana vemachechi vanopfeka wani mayunifomu asi handiti vanhu vakuru? Saka mayunifomu ngaaveko kumayunivhesiti isu vabereki zvinotirerukira nekuti kana ndikatengera mwana yunifomu kana mbiri anopfeka kusvika apedza chikoro. Zvino kana dziri hembe anenge ava kutoona sekuti ishoma uye zvinounza nyaya dzerusarura pakati pevapfumi nevarombo,” vanodaro Amai Kudakwashe Bangira (42).

Amai Sarah Hiya (32) vanoti mayunifomu akanaka nekuti anochengetedza hunhu hwemudzidzi.

“Kashoma kuti munhu aite hunhu hwakashata kana akapfeka yunifomu nekuti anenge achitya kuzivikanwa kana kushoresa zita rechikoro. Vanhu vanodzidza pasina kutarisa kuti nhingi akapfeka chii.

“Kana munhu achiri pachikoro, ngaapfeke yunifomu kana aita mimba opfekawo teneti rinoenderana nejira reyunifomu yechikoro. Zvinotonakidza,” vanodaro.

Gurukota revanhukadzi, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizinesi ari pakati nepakati, Cde Sithembiso Nyoni, vanopokana nepfungwa iyi.

“Hatifanire kuremekedza yunifomu, asi munhu wacho,” vanodaro. “Zvinoreva here kuti vanhurume havaremekedze vanhukadzi asi yunifomu? Nyaya haizi pamayunifomu, asi kuremekedzana sevanhu. Hapana chikonzero chinoite kuti tishungurudze vamwe.”

Ukuwo gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo, Professor Amon Murwira, vanoti pfungwa yekuti vadzidzi vekumayunivhesiti vapfeke mayunifomu haisi mutemo.

“Mayunivhesiti ane mitemo yaanotevedza uye hakusati kwava nemutemo unoti vapfeke mayunifomu,” vanodaro.

VaWilbert Muzawetu, avo vanova munyori wesangano revadzidzi reUniversity of Zimbabwe’s Congress of Students, vanoti nyaya iyi yakauya nekuda kwefungidziro bedzi.

“Kana muchida chimboedzai kuita ongororo yenyu pakati pevadzidzi 50 000 vari mumayunivhesiti munoona kuti pfungwa iyoyo inobudirira here,” vanodaro.

Sachigaro wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai, reWomen’s Coalition Zimbabwe, Mai Ronika Mumbire, vanoti pfungwa yekuti vanhukadzi vanoshungurudzwa nekuda kwekuti vanenge vakapfeka mbatya diki haina kunaka nekuti inovadzikisira sezvo kuine vamwewo varume vanopfeka mbatya diki kana dzinobata asi hazvirevi kuti vanofanira kubatwa chibharo.

“Munhu wose anofanira kuwaniswa chengetedzo kubva kuvambunyikidzi, hazvinei nekuti murume kana mukadzi uye hazvinei kuti akapfeka tirauzi kana nguwo pfupi.

“Mhosva yechibharo kana ichinge yaparwa kunyangwe vatongi mumatare edzimhosva havabvunze kuti wakabatwa chibharo wakapfeka mbatya dzakadii asi kuti vanotarisa mhosva yakaparwa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>