Huku dzodirwa ku’Makomoyo’

26 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Huku dzodirwa ku’Makomoyo’ Huku kuMakomoyo

Kwayedza

Samuel Kadungure

CHIRONGWA chePresidential Rural Poultry Scheme svondo rapera chakatekeshera kudunhu reManicaland uko kwakagoverwa huku 32 000 idzo dzakatobayiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Huku idzi dzakapihwa kuvagari vemudunhu reMutasa senzira yekuedza kuvandudza nyaya dzekuwaniswa kwechikafu uye kudya kunovaka muviri.

Hurumende iri kutsigira varimi vadiki munyaya dzekurima mbesa dzakasiyana nekupfuya zvipfuyo nehove.

Huku nekupfuyiwa kwembudzi, zvakaonekwa semabhindauko anobatsira zvakanyanya panyaya yekusimudzira upfumi hwevarimi pasi pechirongwa cheLivestock Growth Plan zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze izvo zviri kuona mvura isinganaye zvakanaka zvichikanganisa mabasa ekurima.

Chirongwa ichi chakaparurwa nemusi weChipiri chadarika negurukota reHurumende rinomirira Manicaland, Cde Nokhutula Matsikenyere.

Cde Matsikenyere vanokurudzira varimi kuti vachengete huku idzi zvakanaka kuti mhuri dzavo dzigowana kudya kunovaka muviri uye mari yekusimudzira raramo yavo.

Vanoti murimi mumwe nemumwe akapihwa nhiyo gumi dzine masvondo mana dzachechenywa, 10kg yechikafu chehuku chepachena uye pakiti yekudya kune mavitamin.

Mhuri dzasara dzichabatsirikana kubva muzvirongwa zvekupanana huku idzi kusvikira vose vawana rubatsiro urwu.

“Chirongwa ichi chichaita kuti veruzhinji vave nemizinda yehuku, mazai nenyama yehuku mumakore maviri kana matatu ari kutevera.

“Chikuru mukugovewa kwehuku idzi dzinofanirwa kutanga kupihwa vanotambura, mhuri dzinotungamirirwa nemadzimai nevechidiki. Nhiyo dzose dziri kugoverwa dzakatobaiwa nhomba dzekudzivirira zvirwere,” vanodaro.

Chirongwa chePresidential Rural Poultry Programme chine chinangwa chekusimudzira kupfuyiwa kwehuku panguva iyo gwaro reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVAC) Rural 2022 Livelihoods Assessment Report – iro rinoshandiswa kuzivisa pamwe nekutungamira mitemo munyaya dzechikafu nekudya kunovaka muviri munyika – rinoratidza kuti chikamu che70 percent chemhuri dziri muZimbabwe vanochengeta huku.

Nechikamu che82 percent, dunhu reMidlands ndiro rine huku dzakawanda, kuchitiwo Mashonaland Central ine huku shoma dzinova chikamu che53 percent.

Manicaland ine huku dzinosvika chikamu che70 percent.

Vamwe vakabatsirika pasi pechirongwa ichi vanotenda mutungamiriri wenyika President Mnangagwa, nekusimudzira raramo yavo.

Mai Cecilia Teku-Bande vanoti kana zvikaitwa nemazvo, kupfuya huku ibhindauko rinosimudzira zvakanyanya nyaya dzekuwanikwa kwechikafu, kudya kunovaka muviri nekupedza hurombo mumhuri.

“Tinotenda President Mnangagwa nekusandura pfungwa dzedu kuti tizive kuti tinokwanisa kuwana pundutso muupenyu hwedu nekupfuya huku,” vanodaro.

Director veLivestock Production and Development kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, VaAlban Mhindurwa, vanoti huku dzinosvika 32 000 dzakagoverwa kwaMutasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>