Hurongwa hweGrade 7 hwa2020

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

TAVA kuda kuchionesana kuti tinenge tichiiteiko mumasvondo makumi mana ane mapfumbamwe asara kupendera gore redu.

Ndasvika mukupenderwa kwegore nekuti chirongwa chedu hachigumire mukunyorwa kwebvunzo chete, asi kuti kudakara tapedza gore racho.

Tinoramba tichipakurirwa gapu redzidzo kuti tisimbise hwaro hwedu.

Hezvinoi zvinotarisirwa kuti chirongwa chedu chinge chichiongorora.

Tichatarisa zvine udzamu manyorerwo erondedzero dzakanaka dzinokwezva goho rine mutsindo. Mukutarisa nyaya dzerondedzero tinoda kuti tikwanise kuziva mhando dzacho dzerondedzero uye kuona kuti dzinonosiyana papi kuitira kuti tibvise nyaya yekubuda mugwara pakuzononyora.

Murondedzero imomo mune hunhongwa hunoda kuti hutarisiswe kuti rondedzero igodzama.

Muzvidzidzo zvichatevera tichaona musiyano uripo pakunyorwa kwerondedzero idzi kubudikidza nemienzaniso yatichange tichipa. Hunhongwanhongwa hwatinoreva ndizvo zvidavado zvichashandiswa mukunyora basa redu kuti tigogona kubata mbariro dzepfungwa dzemukwenyi webasa redu.

Tinotarisa zvakare runyoro uye pfekedzo dzaitwa muchinyorwa tisingakanganwe hurefu hunodiwa.

Tabva mukutarisa manyorerwo erondedzero, tinoda zvakare kuzotarisa kuti tinosvika sei pakunopa mwana goho rake nekuti haisi nyaya yekungodzimikira zvibodzwa asi kuti kunotori nemuronga unofanirwa kutevedzwa (marking scheme).

Tabuda mukunyorwa kwerondedzero tichada kutarisa mafambisirwo anoitwa nzwisiso. Kunewo zvinotarisirwa kuti paya patinopindura mibvunzo yenzwisiso. Tine zvatinofanirwa kuchenjerera kusaita apo tinenge tichipindura mibvunzo yenzwisiso kozoitawo zvatinotofanirwa kutoti tiite.

Tinotarisa zvakare mhando dzezvirungamutauro zvakasiyana.

Tine tsumo apo tinotarisa kuzadziswa kwadzo kwakakodzera uye kudzitsanangudza nekudzishandisa muzvirevo.

Tsumo dzinotariswa dzinoreva zvakafanana nedzinoreva zvakasiyana.

Tinoongorora mashandisirwo emadimikira muzvinyorwa zvedu.

Tinoenda mberi tichitarisawo nyaudzosingwi nepadzinoshanda. Zvipauro zvinoongororwawo.

Tinozosanganisirawo fananidzo nefananidzosiri kuti zvinyorwa zvedu zvinyatsodzama.

Kana tabuda muzvirungamutauro tinoenda mukutarisa mutauro wacho kuti unombofambiswa sei.

Tinotarisa sungawirirano muzvirevo uye kuti mazwi anokodzera muchirevo chemhando yakapiwa anenge akaita sei zvichienderana nechiitiko.

Tinotarisawo zvakanangana nemitupo namadzinza.

Hurongwa hwedu hunosvika pakutarisa mhuka nevana vadzo.

Tinoongororawo mhando dzemiriwo nezvekudya zvakare nezvanhasi tichitarisa zvakare zvombo nemidziyo yaishandiswa kare neyaveko nhasi.

Hatisiyiwo zvidimbu zvenguva nemwaka yegore.

Tinoitawo tsvagurudzo pamusoro petsika tichiburitsa zvaiitwa kare nezvoitwa mazuva ano.

Chirongwa chedu chinoedza kubata zvose zvirimaererano neChiShona uye zvatinofungidzira kuti zvingatibatsira mukunyora bvunzo redu munaGumiguru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>