Hurumende yaunza budiriro kuBulawayo

09 Aug, 2023 - 16:08 0 Views
Hurumende yaunza budiriro kuBulawayo Mahositeri anogara vadzidzi vepaNational University of Science and Technology (Nust) ayo akavandudzwa nemari inosvika US$17 miriyoni

Kwayedza

Prosper Ndlovu naPeter Matika

DUNHU reBulawayo rakaita zvinorova munyaya dzebudiriro mumakore mashanu adarika izvo zvakaona richipedza mabasa makuru anosvika 163 kubva pa230 kutanga munaZvita 2022 apo Hurumende yeSecond Republic iri kuratidza kuti yakazvipira kusimudzira nekuvandudza guta iri.

Zvichienderana nedanho raPresident Mnangagwa rekuona kuti munyika mune budiriro yakaenzana, Bulawayo iri kuwana rutsigirwo rwakasimba kubva kuHurumende.

Izvi zviri kuona Hurumende ichiita kuti pave nemikana yekusimudzira maindasitiri, mabhizimisi, tsvakurudzo pamusoro penyaya dzebudiriro, kuvandudzwa kwezvivakwa nekugadzirisa nyaya dzekufambiswa kwemabasa – pakati pezvimwe – zvichisimudzira muono weVision 2030.

Kubva muna2018, Hurumende yaita zvirongwa 230 zvebudiriro muzvikamu zvakasiyana muBulawayo apo163 zvakapedzwa uye zvimwe zvasara zviri muzvikamu zvakasiyana izvo zvinotarisirwa kupedzwa pasi pechirongwa chechipiri che100-Day Cycle chegore rino.

Gwaro rakadzama kubva kumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, rinoratidza kuti mabasa asara akatadziswa kupera nedambudziko reCovid-19, asi achiri kuenderera mberi uye anotarisirwa kupedzwa munguva pfupi inotevera.

Mapurojekiti apedzwa ari kuona kubudiriro munyaya dzeupfumi mudunhu reBulawayo kuburikidza nekumutsiridza maindasitiri, kuwedzera kwemabhizimisi, kumutswa kwemabasa, kuvandudzwa kwezvivakwa nekusimukira kwemabhizimisi ari pakati nepakati (SMES).

Mabasa epamusoro akapedzwa anosanganisira kuvakwa kwemahositeri anogara vadzidzi paNational University of Science and Technology (Nust) nemari inosvika US$17 miriyoni uye amirira kuvhurwa zviri pamutemo.

Mahositeri aya anokwanisa kugarwa nevadzidzi vanosvika 1 032 uye chirongwa ichi chichabatsira zvikuru mukugadzirisa kushomeka kwepekugara payunivhesiti iyi apo vadzidzi vechikadzi, avo vari panjodzi yekushungurudzwa, vanosvika chikamu che60 percent kana zvichienzaniswa nevanhurume vanove 40 percent.

Kubva pakavharwa makambani pamwe nekurasikirwa nemabasa mumakore makumi maviri apfuura, Bulawayo yawana pundutso huru yekusimudzira maindasitiri kuburikidza nemapurojekiti ari kuitwa neHurumende aya izvo zviri kuona pachimutswa mabasa nekusimbaradza nyaya dzekutengesa zvinhu kunze kwenyika.

Mienzaniso mikuru inosanganisira muzinda mutsva wekugaya zvinhu weNational Foods Holdings Limited panzvimbo yavo itsva yekuBulawayo iyo inonzi ichawedzera kugaiwa kwegorosi kusvika pamatani 2 000 pamwedzi.

Mamwe makambani akaita seTreger Group of Companies, Archer Clothing neUnited Refineries Limited, Sheppco BMA Fasteners, Metal Founders, Datlabs, Kango Products, Zambezi Tanners, General Beltings neArenel ari kusimukira zvakanyanya zvisinei nekuti basa rakambodzoserwa kumashure nekuda kweCovid- 19 nezvimwe zvimhingamipinyi zveupfumi zviri kukanganisa nyika.

Vachitaura pamusoro pebudiriro iyi, gurukota rinoona nezvedunhu reBulawayo, Cde Judith Ncube, vanoti vari kufara zvikuru nechido cheSecond Republic chekuda kushandura Bulawayo.

“Dzimba dzinogara vadzidzi, idzo rakange rave dambudziko guru, kunyanya kumwanasikana, dzavepo paNust. Pane mapurojekiti mashoma asara, asi achapedzwa pasina nguva. Akatadziswa kupedzwa nenguva nekuda kweCovid-19,” vanodaro.

Cde Ncube vanoti Bulawayo inodada nebudiriro yakaitwa mumakore mashanu apfuura uye vanokurudzira vagari vemuguta iri kuti vatsigire bato riri kutonga reZanu-PF nemutungamiri wenyika President Mnangagwa musarudzo dzichaitwa nemusi wa23 Nyamavhuvhu.

“Ngatiratidzei kutenda kwedu nekuvhotera President neZanu-PF. Izvi zvese zvagoneka nekuti tine hutungamiriri hwakakodzera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links