Idai: Zvikoro zvinoda rubatsiro nekukasika

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Idai: Zvikoro zvinoda rubatsiro nekukasika St Charles Lwanga Secondary School iri kuChimanimani chimwe chezvikoro zvakaparadzwa nemvura yemafashamu yaive nedutumupengo yeCyclone Idai nguva yadarika.

Kwayedza

Daniel Nemukuyu
ZVIVAKWA zvekushandisa kwenguva duku sematende, zvigaro nezvimwe zvinosevenzeswa mukudzidza zviri kudiwa nechimbi-chimbi kumatunhu enyika akasangana nenjodzi yemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai nguva pfupi yadarika.

Izvi zvakaziviswa kuburikidza negwaro reRapid Joint Education Needs Assessement rakaitwa nemasango akazvimirira anosanganisira Plan International, CARE, Save the Children, UNICEF neWorld Vision.

Gwaro iri rinoti rubatsiro rwechimbi-chimbi urwu rwuri kudiwa kuChimanimani, Chipinge, Bikita, Zaka, Mutare neBuhera uko kune zvikoro zvakanyanya kuparadzwa neCyclone Idai.

Save the Children ndiyo iri kutungamirira masangano aya.

Zvikoro zvakavhura svondo rapera asi zvinhu hazvisati zvagadzikana kune izvo zvakanyanya kukanganiswa nemafashamu akakonzerwa nedutumupengo aya.

Zvikoro zvakawanda, rinodaro gwaro iri, zvakarasikirwa nezvivakwa, vhanicha, mabhuku nezvimwe, nekudaro Hurumende nemasangano akazvimirira vanofanira kubatsirana kuitira kuti vana vemuzvikoro izvi vawane dzidzo kwayo.

“Panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekuona kuti vana vari kufundira munzvimbo dzakakodzera.

“Izvi zvinoreva kuti panosungirwa kuve nezvivakwa zvechimbi-chimbi zvekushandisa kwenguva duku kuitira kuti vana vadzidze vakasununguka,” rinodaro gwaro iri.

“Panofanirwa zvakare kuva nezvimbuzi, pekugezera mawoko pakanaka, kuvakurudzwa kwedzimba dzekufundira nekuwaniswa kwezvimwe zvinodiwa pakudzidza.”

KuChimanimani, zvikoro 19 zvakaparadzwa nedambudziko reCyclone Idai.

Pazvikoro 19 izvi, zvimwe zviri kuda matende ekuti vana vafanodzidzira vari, mabhuku ekuverenga neekunyorera ayo akaparadzwa nechikamu chiri pakati pe25 percent kusvika 100 percent.

Gwaro iri rinokurudzira vanopa rubatsiro kuti vayamure zvikoro izvi.

“Vatsigiri vanofanirwa kupa rubatsiro nechinangwa chekuti pave nedzidzo ine pundutso muzvikoro zvose zvakasangana nedambudziko reCyclone Idai,” rinodaro gwaro iri.

Varairidzi vakasangana nenjodzi iyi vanonzi vanofanirwawo kupangwa mazana nechinangwa chekuvadzikamisa papfungwa.

“Maticha anokwanisa kufundisa vana zvakanaka kana vakave vanogamuchira zvakaitika izvi.

“Panofanirwa kuva nenzira yekuvabatsira uye kuvatsigira kuti vadzikamise pfungwa dzavo,” rinodaro gwaro iri.

Dzimba dzevarairidzi vemune zvimwe zvikoro izvi dzakaparadzwa, uye vakarasikirwawo nechikafu chavo nekudaro vanoda kutsigirwa kuti vaite basa ravo nemazvo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>