‘Imbwa yakanaka kudarika munhu’

22 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
‘Imbwa yakanaka kudarika munhu’ Bishop Samuronda vachitaridza dzimwe dzembwa dzavanopfuya. — Mifananidzo naCharles Muchakagara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

BISHOP weimwe chechi iri kuDzivaresekwa Extension, muHarare — uyo ari mubhizimisi rekuuchika imbwa achitengesa — anoti anofarira imbwa kudarika vanhu sezvo dzichiterera zvaanotaura uye hadziite makuhwa.

Bishop Heavington Takaendesa Samuronda (33), avo vakaroora uye vaine vana, vanoti vane chido nembwa kudarika vanhu nekuti vanotaura nadzo dzichivaterera izvo zvisingaitwe nevanhu.

“Ndakabvira kare ndichifarira imbwa kubva mukukura kwangu, vamwe vanosema imbwa asi kwandiri ishamwari dzangu. Ndinodzibata sevanhu ndichidzitengera nyama nekumwe kudya ndichidzigezesa.

“Ndinodzitengerawo shampoo nesipo inodhura. Ndinodzivakira zvekare pekugara pandinomwaya mishonga yekuuraya nhunzi nehumhutu.

“Imbwa yakanaka pakuti haina makuhwa sezvinoita vanhu, chayo inoda kupihwa kudya pasina kurohwa kana kuvhundutsirwa,” vanodaro Bishop Samuronda.

Imbwa dzichidya nyama

Vanoti vane imbwa dzinodarika makumi manomwe dzinogara kuDzivaresekwa nekupuroti kwavo kuNorton.

“Basa rangu ndinopfuya imbwa kwete mombe, mbudzi kana zvimwe zvipfuyo. Imbwa yoga-yoga inofanirwa kudya kg yenyama kana chidimbu chekg zvakasanganiswa nesadza saka ndinotenga nyama kumabhucha zuva roga-roga uye ndinogezesa imbwa idzi nekudzipa kudya ndoga,” vanodaro.

Mhando dzembwa dzavo vanoti dzinosanganisira Boerboel, French bulldog, Germany Shepherd, Pitbull, Jack Russel, Russian nchaunchau, Rottweiler, Belgian Malinois neToy pom.

“Ndinoita hurukuro nembwa dzangu tichinzwanana. Pakutengesa, mbwanana dzinobvira paUS$500 zvichikwira uyewo imbwa hombe dzinobvira paUS$700 kusvika US$1 500.”

Bishop Samuronda vanoti pane motokari inotakura tsvina yembwa dzavo mazuva ose ichinoraswa kunorasirwa tsvina muguta reHarare.

“Imbwa dzinochengetwa sevanhu. Mbwanana tinodzibaisa jekiseni rekutanga nerechipiri anonzi parvo.

Dzikarwara tinodziendesa kwachiremba wemhuka (veterinary doctor) uko dzinoiswa muchipatara nekuongororwa dzimwe dzichitowedzerwa nekuiswa padrip sezvinoitwa vanhu,” vanodaro Bishop Samuronda.

Vanoti imbwa dzavo vanodzitengesa mushure memasvondo matanhatu zvichienda mberi.

“Makasitoma angu ari muno muZimbabwe kumisha inobva shoroma nevamwe vanogara kumapurazi, kumigodhi nemakambani akasiyana. Ndinokurudzira vamwe kupindawo mubhizimisi iri sezvo rakangofanan nekurima nekupfuya zvimwe zvipfuyo.”

Bishop Samuronda vanoti imbwa inochembera yasvitsa nemakore 18 okuberekwa uye ikadarika ipapo chikomborero chaicho.

Share This:

Sponsored Links