‘Ini ndakaramba kuuraya mukoma’

01 Jul, 2023 - 10:07 0 Views
‘Ini ndakaramba kuuraya mukoma’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti akaramba kuuraya mukoma wake ane hurema zvichitevera kufurirwa kwaaida kuitwa nemumwe mukoma wake kuitira kuti vagosara vari vaviri paimba yevabereki vavo avo vakashaya.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Cuthberth Fata akaendesa munin’ina wake, Conrad Fata, achiti ari kugara achimushungurudza.

Cuthberth anoti anogara mukamuri imwe chete naConrad uye anouya akadhakwa husiku iye arara, otanga kumutsika-tsika nekuvhura mahwindo achiti mumba muri kunhuwa mweya wetsvina nemadhimoni.

“Conrad anoti kana adhakwa anondirwisa nekuti haasi kuda kuti ndigare pamba pevabereki vedu. Mumwe musi akandirova ndokundidzipa pahuro achiti ndibve pamba apa nekuti ndine mweya wemadhimoni uri pandiri,” anodaro Cuthberth.

Achipawo divi rake, Conrad anopikisa mashoko ose aya achiti mukoma wake ari kunyepa uye daka ravo riri pakuti iye akaramba kuuraya mumwe mukoma wavo ane hurema.

“Mambo wangu, mukoma wangu vari kundinyepera nechikonzero chekuti ini ndakaramba zano ravo ravainge vauya naro rekuti tiuraye mukoma wedu tosara neimba tiri vaviri. Aida kuti tiise muchetura muchikafu chavo ini ndikazviramba, saka vakati kuramba kwandaita uku vachanditsvagira nyaya vondisungisa,” anodaro.

Cuthberth anoti akamboenda kunogara kuSouth Africa kwemakore akawanda nekuda kwebopoto risingapere mumhuri mavo.

“Apo ndakaona magariro acho achinetsa pamba, ndakaenda kuSouth Africa kwemakore gumi nemasere, pandakadzoka ndikaona iri ngoma ndiyo ndiyo ndokusaka ndauya kuno kudare,” anodaro.

Conrad akakumbira dare kuti kana vachinge vadzokera kumba, mumwe nemumwe wavo apihwe imba yake yekugara kuitira kuti vasagare mukamuri imwe chete.

Mutongi Sharon Mashavira vakapa Cuthberth gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>