Ivai neruzivo rwemarimirwo efodya: zfu

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Ivai neruzivo rwemarimirwo efodya: zfu

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Farmers Union rinoti varimi vanofanira kuve neruzivo rwakadzama pamusoro pemarimirwo efodya uye kuti varime minda yavanokwanisa kushanda kuitira kuti igove yemhando yepamusoro iyo inovapa pundutso.

ZFU executive director, VaPaul Zakaria, vakataura mashoko aya vachiti vamwe varimi havasisina chido chekurima fodya nekuda kwekuderera kwakange kwakaita mutengo wayo mwaka wadarika.

Vanoti kuderera kwemitengo yefodya, iyo imwe yacho pakutanga kwemwaka yakatengeswa nemari yaive $0,30c pakg, kwakakonzerwa nekuti yakange iri yemhando yepasi uye kushaikwa kweruzivo rwemarimirwo ayo kuvarimi.

“Varimi vazhinji vakange vachingochiva mitengo yepamu0soro yefodya vachibva vaenderera mberi nekurima chirimwa ichi vasina ruzivo rwakakwana maringe nezvinodiwa pakurima pamwe nekumisika zvakaita kuti pave nekurasikirwa. Izvi zvakaonekwa mumwaka wa2014 wekutengesa kuti varimi vakange vasina ruzivo rwakakwana,” vakadaro.

Vanoti vamwe varimi vekunzvimbo dzakadai seMvurwi neMt Darwin vakapedza kutema miti vachitsvaka huni dzekupisa fodya zvinova zvinokanganisawo nharaunda zvakare.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti varimi varime mahekita efodya avanokwanisa kushanda.

“Zvinoda US$10 000 kuti murimi ange achirima hekita imwe chete yefodya asi mwaka wadarika varimi vakawanda vakange vave kungorima zvechikiribidi sezvo vakange vasina mari izvo zvakaita kuti vabure goho risiri remhando yepamusoro,” vakadaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reTobacco Industry and Marketing Board inoratidza kuti varimi 55 486 ndivo vakanyoresa kurima fodya parizvino kana zvichienzaniswa nemwaka wa2015 apo 73 044 vakange vanyoresa panguva imwe chete iyi.

Dunhu reMashonaland West rine varimi 3 067 vatsva vakanyoresa kurima fodya, Mashonaland Central ine 3 039 kozotiwo Mashonaland East iine 626.

Varimi vakanyoresa kurima fodya kuMidlands mwaka uno vanosvika 87, Masvingo ine 23 kuchizotiwo Matabeleland ine murimi mumwe chete. Mukushi wemashoko kusangano reTIMB, VaIsheunesu Moyo, vanoti kunyangwe zvazvo paine kuderera kwevarimi vakanyoresa pachine tarisiro yekuti fodya icharimwa zvakanyanya munyika muno nekuti vamwe vanogona kuzouya kuzonyoresa sezvo pachine mukana.

“Hatisati tasvika kumagumo ekunyoresa varimi nokuti chirongwa ichi chichapera musi wa31 Gumiguru saka hatingati varimi vapedza kunyoresa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>