Japan yakatsigira Zimbabwe neus$1,5m

23 Apr, 2015 - 15:04 0 Views
Japan yakatsigira Zimbabwe neus$1,5m

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yeJapan yakatsigira Zimbabwe nemari inosvika US$1,5 miriyoni kuburikidza neUnited Nations World Food Programme (WFP)  iyo yakananga kubatsira vanoshaya nezvekudya apo nyika ino  yakatarisana nekudzikira kwegoho rezvirimwa mwaka uno nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.

Mukuru weWFP, VaSory Quane,  vakatenda rutsigiro urwu vachiti  rwauya panguva iyo rwakange rwuchitarisirwa zvikuru neZimbabwe.

“Rubatsiro urwu rwauya panguva yakanaka nekuti rwuchabatsira vanhu nekuvawanisa kudya apo vari kuedza kurwisa nzara,” vakadaro.

Vanoti vamwe vachabatsirwa nezvekudya kuburikidza nemari iyi vagari vekuZvishavane neMwenezi avo vakarasikirwa negoho ravo zvichitevera kutsva kwakaita zvirimwa zvavo nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.

Pasi pechirongwa cheWFP cheProductive Asset Creation Programme,  icho chakatanga mumwedzi waChivabvu gore rino, vanhu vari munharaunda dzakasiyana vari kuwaniswa chikafu pamwe nemari zvekare yekutanga mabhindauko anovandudza raramo yavo.

Mumiriri weJapan MuZimbabwe, Ambassador Yashinobu Hiraishi, vanoti  vanofara zvikuru nekudyidzana kwanaka kuri pakati penyika yavo neZimbabwe.

Zvakadai, WFP iri kuda US$10,7 miriyoni yekuti inge ichifambisa zvirongwa zvayo zvebudiriro mumatunhu gumi pakati pemwedzi waChivabvu naZvita.

Hurumende yeJapan ndeimwe yevatsigiri vakuru veZimbabwe uye mugore ra2010 yakabatsira zvikuru nyika ino neUS$43 miriyoni iyo yaiva yekusimudzira zvirongwa zvevanhu vanotambura vakadai senherera, vanorarama neutachiona hweHIV, zvikuru sei vagari vekumaruwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>