Kwayedza
Hazel Marimbiza ari kuBULAWAYO
MUDZIMAI anogara kuNkulumane, muguta reBulawayo, akasiya vanhu vaive mudare vasisina neremuromo apo akati mwanakomana wake ane katsika kekuitira tsvina muimba yavo yekutandarira izvo zvinomumanikidza kuzoibvisa.
Lovelleta Nkiwane anoti aneta nehunhu hwaBrighton Nkiwane (25) uyo anouya kumba manheru akadhakwa osvikoitira tsvina yake mumba.
“Ndinodawo gwaro rinondidzivirira kubva kunaBrighton Nkiwane anove mwanakomana wangu. Mwana uyu anouya kumba akadhakwa chero nguva.
“Anobva aitira tsvina mumba mekugara uye ndini wacho ndinoibvisa tsvina iyoyo,” anodaro Lovelletta.
Anoti Brighton ane hasha dzakadarikidza nekudaro haachada zvekugara naye.
“Anoputsa midziyo yangu inosanganisira masofa nemahwindo. Anondituka nezvinyadzi kunyangwe paanenge asina kudhakwa. Anondidzingirira mumba uye akambondirova nechigaro chemukicheni ndikakuvara.
“Akamborovawo hanzvadzi yake ndokumubira nhare yake,” anodaro Lovelleta.
Anoenderera mberi achiti, “Akandibira mimwe midziyo yangu akaitengesa. Ndinokumbirawo kuti dare rindibatsire kuti mwana uyu abve pamba pangu nekukasika. Handichadi kumuona pedyo neni. Ndinoda kugara murugare.”
Brighton haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.
Mutongi Urgent Vundla weWestern Commonage Magistrate Court akapa Lovelleta gwaro rinomudzivirira.