K chis Metal Fabrications yosimudzira varimi 

08 Aug, 2023 - 16:08 0 Views
K chis Metal Fabrications yosimudzira varimi  VaPetros Chisamba (kubva kurudyi), VaNickson Zhangazha naVaMunyaradzi Matare vachiita basa ravo. - Mifananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI dzinogadzira zvikochikari nemimwe midziyo inoshandiswa nevarimi panzvimbo yemabhizimisi yeRushinga Growth Point dzosimudzira mabasa ekurima kudunhu iri.

VaMunyaradzi Matare (30) vanova mumwe wevashandi pakambani yeK chis Metal Fabrications iri panzvimbo iyi uye vachimirira kudyidzana nevatengi vanoti vanogadzira midziyo inosanganisa zvigayo zvehupfu, zvekutonongora chibage nenzungu, zvekukuya dovi, ngoro, hara dzakasiyana, mabhara nemapadza.

“Varimi vanouya tovapa ngoro nemimwe midziyo yekurimisa vobhadhara zvishoma nezvishoma kana kuchinjanisa nezvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi, nguruve, hwai nezvimwe zvakasiyana nyika yorima ichiguta matura opfachukira,” vanodaro VaMatare.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nekuda kwehukama hwatinaho nevarimi muno, tinovapa zvose zvavanoda tonyorerana pasi zvichitsigirwa nevarimisi vavo nemasabhuku nevamwewo vakuru vanenge vari padyo vakaita semakanzura nemadzishe nekudaro, kubhadharana kwacho kunoita nyore.”

Vanoti donzvo ravo havadi kuona varimi vekuRushinga vachienda kunotenga midziyo yekushandisa mukurima kunzvimbo dzekure dzakaita sekuHarare kana kuBindura.

“Ishungu dzedu kuona mabasa ekurima achibudirira nekuda kwedu tichivawanisa zvavanoda, tinoda kuti vauye vachititaurira zvose zvavanoda kuti zviwanikwe pachitoro chedu,” vanodaro VaMatare.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPetros Chisamba (37) naVaNickson Zhangazha (35) vanoitawo basa panzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>