Kambani yoti yakagadzirira kubatsira varimi vefodya

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Kambani yoti yakagadzirira kubatsira varimi vefodya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI ine mukurumbira wekutenga fodya munyika yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) inoti yakagadzirira zvikuru kubatsira varimi vefodya nezvekurimisa mwaka uno. Mushandi mukuru anoona nekudyidzana kweruzhinji nemabasa ekutengeserana, Mai Chido Nyakudya, vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pagungano rekambani yavo reBoka Tobacco Growers Forum, rakaitirwa kwaMambo Chiunye, kuMt Darwin.

“Varimi vedu tichavapa zvekurimisa hekita imwe chete yefodya zvinosanganisira mbeu, mishonga, fetereza, marasha ekupisisa fodya nezvimwewo. Kune vamwe zvakare varimi vatichapa zvekurimisa vanopota vachishanyirwa nevarimisi vedu kusvika pakunopisa fodya nekunotengesa,” vakadaro.

Vanoti sekambani, vanotarisira kuramba vachiwedzera huwandu hwevarimi vavanobatsira munyika gore negore. “Mukusimudzira varimi vedu tiri kushanda nemakambani akaita seHwange Colliery neSeed Co pamwe nemasangano anoti Zimbabwe Farmers Union (ZFU), Environmental Management Agency, Tobacco Industry and Marketing Board neTobacco Research Board,” vakadaro Mai Nyakudya.

Zvakadai, vakazoyambirawo varimi nekuda kwemakoronyera avakati ari kufamba achinyepa kuti anoshanda kwaBoka uye anokwanisa kuvapa zvekurimisa.“Svondo rakapera pakauya varimi pano vakabva kwaMarange kuBocha vachiti vaiva varidzirwa nhare nevanhu vekwaBoka kuti vazonyoresa mazita avo vachizobvisa mari kuti vapihwe zvekurimisa, aya matsotsi hatina vanhu vakadaro, mhan’arai kumapurisa kana mavaona,” vakadaro.

Mashoko aya akatsinhirwa naVaMoses Bias vekuBoka zvakare vanova mukuru anoona nezvemafambisirwo emabasa ose vachiti kune vanhu vari kufamba vachibira varimi mushure mekunge vanyepa kuti vanoshandira kambani yeBoka. “Hatina vanhu vakadaro, vanhu ivava vari kutaurira varimi kuti vazoisa mari mubhanga rine nhamba dzavakavapa. Havasi vedu, vamwe varimi vaviri vakauya pano vabva kwaMutare vakatoguma vave kuda mari yekudzokeresa kumusha kwavo yemabhazi,” vakadaro VaBias.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>