Kana museve woda nyama . . . Muporofita akada kutengesera maCID nyoka

13 Jan, 2022 - 13:01 0 Views
Kana museve woda nyama . . . Muporofita akada kutengesera maCID nyoka

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUPOROFITA wenhema anogara kuDema, kwaSeke akatongerwa kuti anofondoka kwemaawa 105 mushure mekubatwa nemhosva yekutengesa nyoka dzinosanganisira mhakure nerovambira munzvimbo yeChitungwiza.

Mutongi Tafadzwa Miti wedare reHarare Magistrates Court akatongera Herbert Gorimbo kupika jeri kwemwedzi mitatu mushure mekumubata nemhosva yekubvisa nyoka panzvimbo dzadzinogara achidziendesa kumwe asina mvumo sezvinodiwa pasi pemutemo.

Mutongi Miti vakazomubvisira mwedzi yose iri mitatu ndokuti anofanira kunofondoka paMujakata Poly Clinic kutanga nemusi weMuvhuro.

Magorimbo akapihwa mutongo uyu mushure mekubvuma mhosva yake.

Akaudza dare kuti vanhu ndivo vaimuhaya kuti abvise nyoka mudzimba dzavo achizonodzitengesa kune vamwe vanodzishandisa.

Gorimbo anoti ange aine hurongwa hwekuzonowaniswa magwaro ekuita basa iri kubva kubazi rinoona nezvemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Authority (ZimParks) kuti ange achiita izvi zviri pamutemo.

Muchuchisi Polite Chikiwa vakaudza dare kuti nemusi wa5 Ndira gore rino, matikitivha ekuCID Minerals Flora and Fauna Unit vakanyeverwa kuti Gorimbo akanga aine nyoka dzaaitengesa.

Mumwe wematikitivha akafonera Gorimbo achiita seanoda kutenga nyoka vachibva vatendererana kuti vazosangana pedyo neChitungwiza Town Council.

Mushure memaminitsi makumi matatu, Gorimbo akasvika paChitungwiza Town Council achityaira motokari isina manhamba asi iri yemhando yeHonda Airwave achiperekedzwa naDisire Matambanadzo.

Gorimbo akadzika mumotokari kuti asangane nematikitivha aya ainge akagara mumota.

Gorimbo akabvuma kutengesera matikitivha aya nyoka achiita US$100 imwe chete apo akaburitsa mhakure nerovambira rainge rakasungwa nejira jena kumativi ose.

Matikitivha akabva azvizivisa kwaari kuti vaive mapurisa ndokumuti aburitse magwaro anoratidza kuti ane kodzero yekuita basa rekutengesa nyoka, asi haana kukwanisa izvo zvakaita kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>