Kana vabatwa nemweya wengozi, vanorovera misoro pasi

26 Jul, 2023 - 14:07 0 Views
Kana vabatwa nemweya wengozi, vanorovera misoro pasi Moses Muusha ari mudare raMambo Saunyama

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MHURI yekuNyanga izere nekutya mweya wengozi wemunhukadzi aiita basa rekutengesa muviri uyo anonzi akapondwa makore 55 apfuura nemumwe musharukwa wemhuri iyi.

Mweya uyu, uyo unotaura kuburikidza nevanhu vedzimba dzakasiyana vekwaMuusha, unoti hauzorore kusvika ngozi iyi yaripwa.

Unozviti Elizabeth Ncube, aibva kuChiredzi, uyo aishanda kuBulawayo asati apondwa naMoses Muusha nekuda kwegakava remuripo wekunge vadanana.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Saunyama nguva pfupi yadarika.

Mudare iri, Moses Muusha, uyo akange ave nemwedzi yakawanda achiramba achiti haanei nemweya wengozi uri kushungurudza mhuri yake uyu, akashamisa vanhu apo akareurura.

Murume uyu akaburitsawo pachena kuti mushure mekuuraya Ncube muna1968, akazotongwa nematare uye akagara mujeri.

“Ndakanga ndiri jaya uye ndisingazivi zvandaiita kare ikako. Tese takanga takadhakwa uye mukadzi uyu, uyo aiita basa rekutengesa muviri, akanga aramba kusasana neni mushure mekunge atora mari yangu. Ndakamurova kamwe chete achibva adonha ndokufa,” Muusha anoudza dare ramambo.

Zvisinei, Muusha anoti haafunge kuti mweya uri kupfuka uyu ndewaNcube uye ari kupomera mudzimai wake wekutanga kuti ndiye ari kufurirana nevanasikana vake kuti vanyepere sevanobatwa nemweya wengozi.

“Ndinonzwa zvakasimba kuti mumwe munhu womumhuri mangu ndiye akafumura gure rekare iri. Vakarangana ndokufurirana zano rekuti vandirozve upfumi hwangu.

“Kana uri mweya waElizabeth wekutsiva, unofanirwa kusvikawo pane vanasikana vemukadzi wangu wechipiri nevazukuru kwete vekumukadzi wangu wekutanga chete. Ndinofunga kuti mudzimai wangu wekutanga ari kushanda pamwe chete nevanasikana vake nevazukuru kuti vandirozve pfuma yangu,” anodaro Muusha uyo ane barika uye asisawirane nemudzimai wake wekutanga.

Vazukuru vekwaMuusha vanosvika vashanu vakarega kuenda kuchikoro nekuda kwemweya wengozi unonzi uri kusvika pavari.

Mweya uyu unonzi ukabata vanasikana ava, vanotanga kurovera misoro yavo pasi.

Izvi zvinoita kuti vanasikana ava vagare vakasungwa nengetani kuitira kuti vasazvikuvadza.

Vemhuri yekwaMuusha vakaenda kunobvunzira kun’anga dzine chitsama mushure mekunge vaudzwa kuti vafambire nyaya iyi naMambo Saunyama, n’anga idzi dzose dzinonzi dzakati dambudziko ravakatarisana naro riri kukonzerwa nemweya wengozi yaNcube.

Mhuri iyi inonzi iri kutambudzwawo nemweya waJosphat Mukunje, uyo anonzi akapondwa zvekare naMuusha makore makumi maviri adarika kuChipinge.

Mudzimai waMuusha wekutanga, Mbuya Tambudzai Muusha, vanoti mweya yengozi mbiri idzi iri kuti yose inoda kuripwa.

“Pakutanga, waingova mweya waMukunje waibuda pavazukuru vangu vatatu. Murume wangu akaramba achiti hapana zvaanoziva nekuda kwekubuda kwemweya uyu. Akati hapana chaanoziva pamusoro perufu rwaMukunje.

“Mambo vakatiudza kuti tiende kun’anga. Patakaita kudaro, mweya waNcube wakatanga kuoneka pane vamwe vazukuru vangu vaviri. Handina kumboziva kuti murume wangu akauraya mukadzi kuBulawayo uye kuti akambopika jeri.

“Ndakapererwa uye ndakakatyamara kuti anoramba achiti izvi ndezvemanyepo uye zviri kuitwa senzira yekumurozva upfumi hwake ivo vazukuru vedu vakasiira chikoro panzira, zvinorwadza. Moses (Muusha) haazunguzuke nekuti matambudziko aya haazi kumukanganisa. Haana basa nekugara zvakanaka kwevazukuru vake neramangwana ravo nekuti ane vamwe vakati wandei,” vanodaro.

Mhuri yekwaMuusha inobva kuChipinge uye inonzi yakatamira kuNyanga makore akawanda adarika.

Mweya waMukunje unonzi unoti Muusha akabva kuChipinge achitiza kuponda kwaakange amuita.

Pavakamira pamberi pedare reMambo Saunyama, Muusha akaramba achisimbirira kuti vazukuru vake vainyepera kubatwa nemweya wengozi.

Asi izvi zvakabva zvamutsa hasha dzemweya waMukunje uyo wakabuda pane mumwe muzukuru wake achitaura nechiNdau.

“Unoda kumisidzana neni here iwe Moses? Ripa kumhuri yangu kana kuti mhuri yako yose inoparara.

“MuNyanga muchasara musina kana munhu mumwe chete wekwaMuusha kana ukaramba uchiti hauna kundiuraya kuChipinge. Ndicharamba ndichishanda naNcube wawakaurayawo uye pakupedzisira, munhu wose wekwaMuusha anorwara kana kufa,” unodaro mweya uyu.

Kutongwa kwenyaya iri mudare raMambo Saunyama kwakapfuudzwa mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>