Kisimusi inoda mazondo

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kisimusi inoda mazondo Nyama yemazondo

Kwayedza

NYAMA yemazondo ine kudya kunodiwa semapuroteni ayo anovaka muviri nekusimbisa tsinga sedzemusana.

Svondo rino Tatenda Muyambo anogara kuBindura anotipa mamwe mabikirwo enyama iyi pazororo reKisimusi rino.

Zvinodiwa:

Mazondo, makerotsi, bhinzi, chikari, mvura yakachena nemunyu.

Tenga zondo muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Mazhinji anototengeswa akaparwa nechekare.

Mabikiro:

Geza zondo wonorichekesa nemuchina.

Kana wageza nyama yako yezondo, chiisa muchikari wosiya ichikwata kwechipo cheawa rose.

Isa munyu wakaringana netwumafuta.

Kanda bhinzi rakabikwa nemakerotsi akachekererwa.

Siya zvikwate kwemamwe maminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana raibva, zondo rinoonekwa nemuto wakakorerera.

Zondo rinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana rezviyo. Vamwe vanongoridya rakadaro, vonwa nemuto wacho.

Kana vana amai vanodyawo mazondo nevana, kwete zviya zvekuti varume bedzi.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713411281

Share This:

Sponsored Links