‘Koshesai dzidzo yevanasikana’

02 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
‘Koshesai dzidzo yevanasikana’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Evelyn Ndlovu vanoti vanasikana vanoda chengetedzo yakasimba kuti vakwanise kupukunyuka mumatambudziko ekumitiswa, kusiira chikoro panzira nekuroodzwa, pakati pezvimwe zvinhu zvinokanganisa dzidzo yavo.

Mumashoko avo ayo avakaverengerwa nemutevedzeri wemukushi wemashoko mubazi iri, VaPatrick Zumbo, pachirongwa che10th Anniversary Commemoration of the Girl Child icho chaitsigirwa nesangano reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZ) neChishanu chadarika, Dr Ndhovu vanoti vanasikana vane kodzero yekuwaniswa pekugara pakanaka, utano, magwaro ekuzvarwa uye chengetedzo.

“Chirongwa chino chine vana vabva kumatunhu akasiyana uye nhengo dzeJunior Parliament avo vari kurwira chisungo chimwe chete chekusimbaradzwa kwekodzero dzavo. Nyaya dzekuroodzwa uye kumitiswa kwepwere dziri kuramba dzichiwanda munyika zvisinei nekuti Hurumende nevamwe vatsigiri vari kuedza nepavanogona kutora matanho ekuti dziderere.

“Hurumende yakadzika mitemo inorambidza kuroodzwa kwevana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa kunyangwe kupinda navo munyaya dzepabonde, pakati pezvimwe. Tinoda kuti mitemo yedu isimbaradzwe mukuranga vapari vemhosva dzerudzi urwu,” vanodaro.

 

Dr Ndlovu

Dr Ndlovu vanoenderera mberi vachiti: “Chirwere cheCovid-19 chakaitawo kuti vana vazhinji, zvikuru vanasikana, varasikirwe nedzidzo nekuda kwekuroodzwa apowo vamwe vakatanga kutora zvinodhaka zvichitevera kusaenda kuchikoro kwavaiita munguva yelockdown. Vamwe vana vakaitiswa pamuviri nekunyengedzwa kwavaiitwa nevarume vaivapa mari nechikafu senzira yekuvakwezva.”

VaMunetsi Mahwati vanova education specialist on gender and disability kuECOZ vanokurudzira vabereki, vadzidzisi nevakuru vezvikoro kuti vasarase taririro kana mwana achinge amitiswa ari pachikoro.
“Takaona kuti muzvikoro zvizhinji vana vanomitiswa havasi kutodzokera kuchikoro zvachose nekuti vabereki vanenge vasina rutsigiro kana ruzivo rwemutemo unotendera izvi. Vamwe varairidzi nevakuru vezvikoro havadi kugashira vana vane pamuviri vachiti vanozovanetsa kana kufurira vamwe saka pachine basa guru kuti zvigamuchirike sechinhu chitsva,” vanodaro.

Nhengo yeJunior Parliament inomiririra bazi revechidiki, mitambo netsika – Vimbai Jukwa – inoti vanasikana vazhinji vari kumaruwa vari kukundikana kuwana zvekushandisa panguva yekutevera zvinoita kuti vambunyikidzwe nenzira yebonde nevanhu vanonyepera sevari kuvabatsira.

“Hurumende nevamwe vatsigiri vanofanira kuisa misoro pamwe mukuona kuti vanasikana vawaniswa zvikwanisiro izvi. Kushaikwa kwezvekushandisa panguva yekutevera kunoita kuti vanasikana vapedzisire vava kushaya chiremera, vachisekwa mushure mekunyangadza mbatya dzavo uyewo zvichipedzisira zvakanganisa budiriro yavo mudzidzo,” anodaro.

Nkosinothando Mpofu

Nkosinothando Mpofu (19) wekuNkayi anoti akaitiswa pamuviri ari pachikoro asi nekuda kwerutsigiro rwevabereki vake, achiri kuenderera mberi nedzidzo.

“Pandakaita pamuviri, vabereki vangu vakandibvunza kuti uchiri kuda here chikoro, ndikati hongu. Amai vangu vakaenda vakanotaura nevakuru vechikoro ndikaita Form 5 yangu, iko zvino ndava muForm 6.
“Vanopota vachindiunzira mwana kuchikoro ndichiyamwisa uye hapana kana dambudziko nekuti varairidzi vangu vanozvitambira, kunyangwe vamwe vana vechikoro. Dambudziko ritori kwandiri nekuti ndini ndaitozvishora ndichizvisarudza pane vamwe,” anodaro.

Karren Sibanda, uyo anove nhengo yedare reParamende revechidiki achimirira Nkayi uye ari kuita Form 3 paHlanabeza High, anoti pachine mikaha mikuru panyaya dzedzidzo pakati pevana vemumaguta nevemumaruwa.
“Zvinondishamisa kuti kana pava panhau dzekupasa vana vekumaruwa vanoverengwa zvimwe chete nevekumaguta asi pachine mikaha mikuru maringe nezvikwanisiro. Pari zvino tiri kuitiswa zvidzidzo zveCALA asi isu vana vekumaruwa hatina zvekushandisa zvakakwana.

“Hatina makombiyuta, magetsi, indaneti nezvimwe saka tichakasaririra. Vamwe vana vachiri kufamba nzendo refu netsoka kuenda kuzvikoro kureva kuti mikana yekumbunyikidzwa kwemwanasikana wekumaruwa yakawanda,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links