Koshesai tsika dzedu

22 Oct, 2020 - 08:10 0 Views
Koshesai tsika dzedu Mirriam Kwenda-Mutize

Kwayedza

Abel Ndooka

MUNYORI wemabhuku, Mirriam Kwenda-Mutize, anoti zvakakosha kuti vanhu vachengetedze tsika dzavo, zvikuru apo vanoshanya kune dzimwe nzvimbo.

Kwenda-Mutize, uyo akanyora bhuku rinonzi Tete Series uye pari zvino ari kugara kuUnited Kingdom, anoti vanhu havafanirwe kunyengedzwa nezvinhu zvisina maturo nekuita hunhu hunoshoresa pangave panzvimbo ipi zvayo.

“Tsika dzedu sevanhu vatema dzakatikoshera saka pose patinofamba kana kwatinoenda ngatisanyengedzwa nezvatinenge taona ikoko.

“Tinoona kuti kana munhu akafamba achibva muZimbabwe achienda kune imwe nyika, anosvika oshanduka otanga kutevedzera tsika dzeko.

“Izvi handizvo, ngative mucherechedzo wakanaka uye kwose kwatinofamba ngatisimudzirei mureza wenyika yedu,” anodaro.

Kwenda-Mutize anoti bhuku rake Tete Series rinobata nyaya dzetsika nemagariro uye richiraira vanhu vemazera                                              ose.

“Sekuziva kwatinoita, tete munhu akakosha muraramo yedu sevanhu. Ndivo vanoraira mhuri nekuyananisa kana pane nyaya dzinenge dzichinetsa. Izvi ndizvo zvakandituma kuti nditumidze bhuku rangu kuti Tete Series nekuti ndakatora basa rekuraira vana vedu uye nyika yose pamusoro pekukosha kwetsika dzedu,” anodaro.

Kwenda-Mutize akazvarirwa kwaKwenda, kuChivhu ndokuenda kunogara kuRussia achiri mudiki.

Akazodzoka muZimbabwe ndokunyora bvunzo dzake dzeO- neA-Level uye ndokuzoenda kuEngland uko akadzidzira kuve mukoti.

Pari zvino munyori uyu anoshanda achibatsira madzimai pamwe nemhuri pachena dzinenge dzashanya kuUnited Kingdom dzosvikosangana nematambudziko.

“Ndinoshanda nevanhu vakasiyana vanenge vabva kunyika dzakasiyana dzemuAfrica. Ndinovabatsira pachena kuti vawane pekutangira tichivadzidzisawo mabasa emaoko ekuzvishandira. Ipapo ndipo ndinosangana nevamwe

vanenge vachizvipira kungoita zvose-zvose kuti vakwanise kurarama.

“Ini ndipo ndiri kupindira satete vevanhu kuti aiwa, dziripo nzira dzakanaka uye dzakachena dzekuti unogona kuzviraramisa nadzo uye uchichengetedza tsika dzako.

“Usati kana washanya kune imwe nyika wosvika uchirasa tsika dzako nekuti unenge wafadzwa nezvaunenge waona ikoko,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey