‘Kuchengeta mbudzi kunogona kupa murimi mari’

01 Aug, 2023 - 17:08 0 Views
‘Kuchengeta mbudzi kunogona kupa murimi mari’ Zimbabwe pari zvino ine mbudzi dzinosvika 4,6 miriyoni dzevarimi vadiki.

Kwayedza

Elton Manguwo

HURUMENDE iri kusimudzira chikamu chezvekupfuiwa kwembudzi nechinangwa chekutsigira mabasa evarimi kuti kunyangwe zvazvo paine kuchema-chema pamusoro pekushaikwa kwenzira dzakati tsvetere dzekuti varimi vakwanise kuwana zvikwereti kubva kumabhanga kuitira kuti vatore kuchengeta mbudzi sebhizimisi.

Muhurukuro, nyanzvi yezvekurima, Dr Reneth Mano, avo vanove agricutural economist kuLivestock and Meats Advisory Council (LMAC), vanoti indasitiri yembudzi haisi kucherechedzwa nevemapoka ezvemari izvo zviri kuita kuti varimi vatadze kuwana mari yekushandisa mumabasa avo.

“Varimi vanonyimwa zvikwereti zvekuti vakwanise kutora kupfuya mbudzi sebhizimusi nekuti zvirongwa zvese zveHurumende zvemari yekurima zvinorerekera kuzvirimwa zvakadai segorosi, chibage nezvimwe zvinodyidzana nezvirimwa izvi,” vanodaro.

Zimbabwe pari zvino ine mbudzi dzinosvika 4,6 miriyoni, dzevarimi vadiki uye dzinopfuiiwa nenzira dzaishandiswa kubva kare apo kazhinji dzinozvifurira sora dzisingapihwe chikafu chine kudya kwakavandudzwa.

Dr Mano vanoti kupfuiwa kwembudzi pari zvino kuri kukwanisa kugutsa vagari vekumaruwa nekuvawaniswa nyama asi nyama iyi haikwanisi kugutsa musika wemumadhorobha.

“Musika wemumadhorobha wenyama yembudzi wakakura uye une mari yakawanda,” vanodaro.

Sebhizimisi, kupfuya mbudzi kunonzi kunopa pundutso huru sezvo mbudzi hadzi imwe chete yakatengwa neUS$25 ichibereka mbudzana dzinogona kusvika nhanhatu pagore kwemakore matanhatu isati yatsiviwa.

“Panoda kusimudzira indasitiri iyi sebhizimusi rine pundutso kuburikidza nechirongwa chemari yekupfuya mbudzi chakanangana nemabhanga nevamwe vatsigiri vanobatsira varimi vanosanganisira vakagariswa patsva veA2 kuti mabasa avo aendeke.

“Chirongwa ichi hachimbofa chakasangana nezvimhingamhipinyu zvinosanganisira zvikwereti zvinozotadza kubhadharwa nekuti mbudzi pachezvadzo ndidzo dzinenge dziri chibatso kureva kuti zvikwereti zvekubhanga zvinokwanisa kubhadharwa nembudzi,” vanodaro Dr Mano.

Senzira yekuwedzera huwandu hwembudzi, varimi vadiki vanokurudzirwa kuvandudza nzira dzavanoshandisa mukupfuya mbudzi.

“Izvi zvinosanganisira pekugara pakanaka kuitira kudzivirira zvipfuyo kubva kumamiriro ekunze (sekunaiwa kana kutonhorwa nechando) uye mbudzana kubva kuzvikara zvesango,” vanodaro Dr Mano.

Vanoti zvakakoshawo kuti varimi vatore matanho ekudzivirira zvirwere zvinobata mbudzi uye kuvandudza chikafu chedzinenge dziine mazamu nechinangwa chekuderedza zvakanyanya kufa kwembudzana panguva yekubarwa kubva pa37 pari zvino kusvika pa10 percent.

“Idzi inzira dzakanaka dzekuchengeta mbudzi dzinokwanisa kuderedza kufa nezvikamu zvinopfuura makumi maviri kubva muzana uye zvichibatsirawo kuwedzera huwandu hwadzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links