Kuchengetedza gohwo nemazvo

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Kuchengetedza gohwo nemazvo

Kwayedza

Ivan Craig Mudhumeni Mukuru
KUONA gohwo richiri mumunda nekurikohwa muchirichengetedza zvakanaka zvinhu zvakasiyana. Gohwo rinoda kuchengetedzwa kubva pakugadzirira mwaka kusvika pakutengesa nekushandisa zvirimwa.

Muchinyorwa chino tinotarisa nzira dzakasiyana dzekuchengetedza gohwo. Kana murimi uchinge wakwanisa kuita gohwo rakanaka, rikasachengetedzwa kubva pakuibva kwezvirimwa, munogona kurasikirwa zvakanyanya.

Gohwo rinotanga kurasika panongoibva zvirimwa. Chibage chichingotanga kuibva tinoona pamusha pachidyiwa chibage zuva rega-rega, muenzi angosvika anotyorerwa chibage. Ipapo gohwo rinenge richitodzikira.

Nzungu munozosara mokohwa zhinji magova kana kudya dziri nyoro, zvimwe chetezvo nenyimo nebhinzi. Hatisiri kuti musadye kana kuti nyimai hama neshamwari. Asi ipai zvine mwero, zvisingazodzikisira gohwo renyu.

Tombosiya zvekudya zvisina mwero tichozviuraya pagohwo, varimi vazhinji vanofunga kuti chirimwa kana chichinge chaita vana, zvatokwana zvekuti hapana chekupedzera mari nenguva muchiriritira zvinhu zvaibva.

Kwete handizvo varimi, iyi ndiyo nguva yakakosha pakuchengetedza gohwo. Ino nguva chero zvirimwa zvichiita kunge zvava kuibva asi mwando nehudyo zvichiri kudiwa kuitira kuti zvirimwa zvinatse kuibva zvakakwana.

Kuti zviitike izvi, munda unofanirwa kugara wakachena kusvikira zvirimwa zvaibva nokuti iyi nguva zvirimwa zvinenge zvichiri kuda mvura nehudyo kuti zvinatse kusvika. Munda ukasiwa uine sora ngoma ndiyo-ndiyo, sora rinongotorera zvirimwa hunyoro nehudyo (nutrients) zvobva zvatadza kunatsa kusvika zvakakwana.

Tupembenene twunoparadza gohwo kana kukanganisa hunaku hwembesa mumunda. Pane zvipfukuto kana chipfukuto chinonzi gonyeti (large grain borer {LGB}), mukasiya chibage mumunda kwenguva yakarebesa zvipfukuto zvinoita madiro.

Chibage ngachibve mumunda kana chichinge changooma. Mhuka dzesango nezvipfuyo zvinogona kupinda mumunda zvoparadza zvirimwa saka kana pachinge paita dambudziko remhuka dzesango kana zvipfuyo, munokurudzirwa kuisa vanhu vanochengetedza munda musati makohwa.

Moto unoparadza zvekusara musisina chekubata. Munokurudzira kukura nzira dzichitendererdza minda yese pamwe nemafuro kuitira kudzivirira kupararira kwemoto wesango. Hongu, zvinozivikanwa kuti basa rinogona kuwandisa asi harizofaniri kuwandisa zvekukuvadza gohwo. Munokurudzirwa kuti kumagumo ekukura muwanikwe muripo kuitira kuchengetedza gohwo.

Chero hembe ikaomesa inonetsa kuchisa, uyezve inenge isasarema, ndosaka vana mai kana vaenda kunowacha nhumbi kurwizi vanomirira kuti dziome vozotakura kuenda nadzo kumba dzisati dzanyanya kurohwa nezuva. Vakatakura dziri nyoro dzinovaremera zvichiburitsa pachena kuti mvura ine huremu.

Muenzaniso wenhumbi wandashandisa ndewe kuitira kuti muzive kuti mukarega zvirimwa zvichidzika mwando kuenda pasi pemwando unokurudzirwa, tombotora sechibage, chikadzika mwando kuenda pasi pegumi nenhatu muzana (13%) munenge mava kurasikirwa negohwo.

Kana muchinge maita basa rakanaka zvakanaka kuti muwane mari inoenderana nekushanda kwamakaita. Nekudaro natsai kutora nguva muchitsvaga kwekutengesera zvirimwa uko kunobhadhara ziya renyu. Musatengese zvekumhanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>