Kudzidza kwevana kwosimbaradzwa

19 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Kudzidza kwevana  kwosimbaradzwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti riri kutora matanho akasimba akananga kuona kuti vadzidzi vari kunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) vadzoreredza nguva yavakarasikirwa nayo paive pakavharwa zvikoro nedonzvo rekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kuti vadzidzi vari kunyora bvunzo idzi vari kuenda kuchikoro mazuva ose kubva neMuvhuro kusvika Chishanu, kufunda kuburikidza nedandemudande (Online learning) pamwe chete nezvidzidzo zveparedhiyo.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Cde Edgar Moyo, svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChegutu West, Cde Dexter Nduna.

Cde Nduna vaida kuziva kuti bvunzo dzeZimsec dzichanyorwa rinhi sezvo zvikoro zvakambotora nguva ndefu zvakavharwa nekuda kweCovid-19 izvo zvakaita kuti vadzidzi vasarire kumashure mufundo yavo.

Cde Moyo vanoti mazuva achanyorwa bvunzo idzi haasati aziviswa asi dzichatanga kunyorwa kupera kwaMbudzi.

“Mazuva ekunyorwa kwebvunzo akangopiwa sekuti dzichatanga rinhi, kureva kuti kupera kwaMbudzi kuvadzidzi veGiredhi 7. Pakati paZvita, tichange tave nebvunzo dzeO neA-Level idzo dzichapambira kusvika muna2022,” vanodaro.

Cde Moyo vanoti panyaya yekuti vadzidzi vakarasikirwa nenguva yefundo apo zvikoro zvaive zvakavharwa nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19, bazi ravo riri kutora matanho akasiyana-siyana ekuvabatsira kuti vadzoreredze nguva yavakarasikirwa nayo.

Matanho aya, vanodaro Cde Moyo, anosanganisira kufunda kuburikidza nedandemudande.

Cde Nduna vakatutsira mubvunzo wavo vachiti sezvo vamwe vadzidzi vari kufunda mazuva maviri pasvondo nedonzvo rekuti vasawandisa muzvikoro izvo zvinozokonzera kupararira kweCovid-19, hazvikwanisike here kuti mazuva ekunyorwa kwebvunzo idzi apfuudzwe mberi zvishoma kuitira kuti vadzidzi vagopedza sirabhasi yavo.

Vachipindura, Cde Moyo vanoti vadzidzi vachanyora bvunzo dzeZimsec vari kuenda kuchikoro mazuva ose.

“Makirasi ari kunyora bvunzo ari kudzidza mazuva ose. Saka panyaya yekupanana zvijana mazuva ekufunda, izvi zviri kuitwa nemakirasi asiri kunyora bvunzo. Makirasi ari kunyora bvunzo ari kudzidza kubva neMuvhuro kusvika Chishanu,” vanodaro.

Cde Moyo vanoti vadzidzi vari munzvimbo dzinonetsa masai-sai edandemudande vari kubatsirwa mufundo yavo kuburikidza nemabhuku uye nedzimwe nzira dzinosanganisira zvidzidzo zveparedhiyo.

“Kudzidza kuburikidza nedandemudande imwe yenzira idzi. Tine mabhuku ekuverenga zvakare akaendeswa kuzvikoro zvakatarisana nematambudziko anosanganisira emasai-sai eredhiyo. Takagoverawo kuzvikoro maredhiyo anokwaniswa kuiswa madhisiki (disk) ane zvidzidzo zvekuti vana vabatsirikane nazvo nechinangwa chekuti vadzoreredze nguva yavakarasikirwa nayo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>