Kuisa mazwi muuzhinji

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MUTAURO wedu wakapfuma chose uye unodadisa kana tichitevedzera mataurirwo awo akanaka. Tinozouvhiringidza paya patinotadza kuutaura nemazvo. Zvinyorwa zvevana muzvikoro zvinovhiringidzwa naiko kusatevedzera zvinodiwa muchiShona chamandorokwati.

Vana vazhinji vanopedzisira vovaka mazwi avo voga kunyanya kana iri nyaya yekuisa mazwi muuzhinji.

Kutadza kuisa mazwi muuzhinji ihosha inopfukuta basa revana nekudaro tinoda kutarisa nzira dzingatevedzwa mukudzinga zvipfukuto izvi mubasa revana.

Unoona vana vachinyora kuti “mandiro kana kuti mademo”. Mazwi anotanga na“g” mazhinji acho anoshanduka achitora “m” asi asingashanduri dzinde reizwi.

Dzinde rezwi redu ndi”gaba” zvino kana awanda anenge onzi magaba, gamba rova magamba. Gudza rinoita magudza kuchitiwo gidi rinoita magidi.

Asiwo pane dzimwe nguva dzekuti “g” anoshanduka kuita “k”. Ndipo panopinda mazwi ana gavi roita makavi gurwe roita makurwe kuchitiwo gwenzi rova makwenzi.

Ndizvo zvinowanikwa pamazwi ane dzinde rinotanga na“j”, mamwe acho anosanduka asi mamwe asingasanduke. Mamwe anoshanduka achitora “ch” sokuti jira rinozoita machira, asi mamwe anongonamira “ma” padzinde sekuti joki rinozoita majoki, jeri richiitawo majeri.

Kana tichinyora mazwi anotanga na”h” haawanzochinja kana oiswa muuzhinji. Handa inoramba iri handa hondohwe dzinongoramba dziri hondohwe chero dzawanda sei. Hembe muuzhinji inoramba iri hembe.

“Ch” anoshanduka kuva “zv” nguva zhinji. Choto muuzhinji inoita zvoto, chuma chiitawo zvuma.

Tinoti chingwa chimwe chete tozoti zvingwa zvishanu, chipikiri chake inova zvipikiri zvake.

Mazwi anotanga na“b” mazhinji acho anoshanduka achitora “p” kusara kwemashoma. Tinoti banga rimwe chete tozoti mapanga matanhatu. Bundu rinoshanduka kuva mapundu, bapu richiitawo mapapu.

Tikatarisawo pamazwi anotanga na”d” kana onyorwa muuzhinji anoshanduka nokutora “t”.

Duri rinova maturi, dondo rogova matondo, dumbu richiitawo matumbu. Tinoti demba rimwe chete nendiro izere nematemba.

Mazwi mazhinji anotanga na”k” haashanduke sekuti kamba rinoramba riri kamba, katsi inorambawo iri katsi zvisinei nekuti dzawanda.

Mazwiwo anotanga na“r” mazhinji acho haashanduke uye mashoma acho anoshanduka anotorawo “m” achinyorwa kwekutanga kwacho.

Mazwi akafanana nana ruzha, rusambo, reza kana rudo haashanduke. Asiwo mamwe anoshanduka sokuti rupasa muuzhinji dzinonzi mhasa; rukukwe rwunoita hukwe. Aya anotora “m” ndiwo anozoti ramba rinozosanduka kuita maramba.

Tikabata mazwi mazhinji anotanga na“t” haashanduke sekuti tsuro, tsamba, tsono, tsombori kana tsunga.

Ndizvo zvimwe chete nemazwi anotanga na ”u”. Urimbo, uswa, upfu, uta, usavi ose anoramba akadaro kuti urimbo, uswa, upfu, uta kana usavi.

Kana ari mazwi anotanga na“z” ose anoiswa “ma” kwekutanga. Zai rinobva ranzi mazai muuzhinji, zondo rinoita mazondo, zizi richiva mazizi. Mazwi aya anoshandiswa pakushora seanotanga na“ka” anobva ashandukawo paanoiswa muuzhinji achitora “tu” sekuti kaharahwa rinozoita tuharahwa, kamba kachiita tumba.

Kana richishora richitanga na“chi” rinobva ratora “zvi” sokuti chimba chinobva chanzi zvimba. Aya anotanga na“zi” anozoita “ma” sekuti zirema rinova mazirema.

Share This:

Sponsored Links