Kukodza mutauro

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
“ZVIRO kwazvo ndakange ndaibopa nekumuswe ndakaita zvekuzvinzwira pamuviri tsvimbo yarova dapi. Wekuchema naye pakange pasisina nokuti ndomene haichemedzi. Ndakazongozvisimbisa nerokuti nhamo ndeye vanhu suka maoko. Inini zanondega ndakazenge ndapisa jira zvino ndachinaiwa sehuku iyo misodzi ichingomokoteka namatama. Hwitakwi yerume yakange yandishakadza nembovorera yechibhakare chiya chinosiya munhu kwamupfiga nebwe, yakange yandiunganidza namatanda ayo emazioko uku ndongobvunda serutsanga ruri mumvura iro ziso rakatsvuka sechiropa rakaudyurirwa mumabori mangu twukumbo twangu zvino twarembera setwekachongwe kakasumudzwa nemapapiro.”

Kana ukatanga chinyorwa chako zvine mutsindo unoita kuti uya anokwenya basa rako abva aziva kuti paita mwana ane hutsanzi uye anokwezwa kuti agoda kuzonzwa zvakaitika mberi.

Anenge atova wako wava kuita zvaunoda naye mukugovera zvibodzwa. Godzamutauro rinoitwa chete kana munhu achinge achinyatsoziva zvacho zvinodiwa kuti aumbe chidokohori chechinyorwa.

Mubiki weusavi anoziva chose zvaanoda kuti usavi ihoho hugogona kutiza nesadza zvakanaka nekuti akateya hadyana ine munjonjo sadza rinosara riri mikatakata pasina adya.

Panodawo tumafuta, twumapuno, twuhanyanisi netwunovavirira kuti gango rigotapira. Gango remutauro rinoda kuziva nekunzwisisa tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, fananidzo nefananidzosiri.

Mukuziva tsumo tinotarisira kuti mwane agone kudzipedzisa kudzitsanangudza nekudzishandisa muzvirevo zvizere. Anofanirwa zvakare kugona kupa tsumo dzinoreva zvakafanana nedzakapiwa uye dzinopesana nedzakapiwa.

Chikamu chino tinoda kuita dambe netsumo. Vakuru vanoti nyuchi dzinoruma ndoodzine uchi. Zvinoreva izvo kuti zvinhu zvinokosha hazvingowanikwe mhangamhanga asi kuti zvinotowanikwa mushure mekuzvitambudzikira nekurwadziwa.

Ndiko kusaka zvichinzi Mvura inoshinyira ndeiri pazambuko. Zvinotoda ushingi kuti usvike panoda mwoyo kana kuti pane twunonaka. Hazvina kuipa kuita, kana dambe nevakuru asi kuti zvinoda kuitwa zvine mwero nekuti wakapfurikidza unoti tindindi munataisireva.

Zvinonzi usafarise kusvika pakukanganwa kuremekedza vakuru nekuti kana ivo vakazoshatirwa nokufarisa kwako zvinobva zvakuipira iwe. Ndokusaka kuine tsumo inoti, Iti fare fare tindike, vakuru igomo”.

Wegudza ndewe gudza kufuga gumbeze rinotsva tsumo inoreva zvakafanana nekuti nhamo ine dzimba dzayo. Izvi zvinoreva kuti munhu agara ari wekutambudzika achangogara ari wekutambudzika. Nhamo nerujambwa zvinogara zvakamumomotera misi nenguva.

Chero zvinake sei iye mwero wake wekukupuka unenge wakatosiyana nevamwe nekuti anenge angori pasi chete pevamwe,wemujecha ndewe mujecha chete. Munguva ino yatiri tiri mubishi rekugadzirira bvunzo kupera kwegore asi kune vamwe vachiri mudambe vachiti nguva ichiripo.

Vamwewo zviro kwazvo vari kushingaira nekugadzirira. Kana nguva yebvunzo yasvika ndipo pavanoda kuchishewezheka asi zvinenge zvisisabatsiri.

Ndipo panonzi navakuru usaruka nhava sora ratsva.

Zvemunda wezunde tenda wakohwa kana kuti tenda wakohwa chemumunda wezunde.

Iyi tsumo inotidzidzisa kuti zvinhu zvese zvinoitwa paruzhinji hazvina mwero wekuringana kwete. Unotozofarawo kana uine chawazowanawo ipapo.

Munogona kushanda basa makawanda mumwe agogona kushaya mubairo asi ashanda pamwe nevamwe.

Munhu wese wese hake, angava ishe kana munhu njee ane zvinogona kumutadzisa kuita zvimwe zvinhu zvaangade kuita muupenyu hwake nekudaro vakuru vanoti rwomuranda rwakoneswa nerwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>