Kukodza mutauro

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
KURUNGA kwese kunoitwa nemutoo une mwero uye wakafanira. Chikonzero chekurunga ndechekuti zvabikwa zvigoendeka.

Kana huri husavi, panobva paita kuti sadza ridzike zvakanaka. Kana uri mutauro, zvinoita kuti vateereri vakakatirwe pfungwa dzavo kuchirongwa chinenge chichiitika.

Chikamu chapfuura ndakati batei tsumo seimwe yenzira dzekurunga mutauro ndichiti dzinokwezva muverengi nemukwenyi, uye kuti dzinoratidza kurongeka kwemunhu.

Ukanzi, “Unapo panokwana gonzo muswe uchipata” zvinoreva kuti uri nyanzvi yekukakavara uye unovavarira kuita zvinhu zvisingaite.

Vamwewo ndevaya vanoda kungosusumhira nepavasingakwani kana kuda kudya nekutamba neshoroma ivo vari venhoko dzezvironda. Pakadai vagoni vanoti, “Musazvisusukidze senyama yemusoro”.

Hadzisi tsumo dzega dzinorunga mutauro sekutaura kwandakamboita. Mutauro unorungwa zvakare nemadimikira kunova kutaura kuya kwakavanzika kwekuti asina ruzivo rwakadzama haagone kubata zvataurwa.

Mubvunzo dzedu tinogona kusangana nemubvunzo unoda kutsanangudza madimikira. Tinogona zvakare kurunga zvinyorwa zvedu nemadimikira. Kana chiri chinyorwa chakaita serondedzero, madimikira ane mwero anochinakisa.

Kana ukanzwa vanhu voti, “Pakanga pakasungwa neutare” zvinoreva kuti pakange pakaoma, pasingapindike kana kupfuurika.

“Kusona rwainge” zvinoreva kuti hapana kana chekubata. Pakatoomesesa zvekuti kuedza kubatanidza chino nechecho zvichiramba. Kana zvakare zvonzi, “Akasoneswa rwanga zvoreva kuti akatambudzwa zvakaomarara uye achiitiswa zvinhu zvisingaite.

Kune vanhu vanonzi vane mutyutyu, vaya vanongoita zvese zvese vasina kudzikama. Vanhu ivavo ndivo vanogona kukurongerai tsvingo nedzinoera. Paya patinenge tichida kutaura pamusoro paamai vaingozvara vakomana chete, tinoti, “Nyoka yaamai yakatadza kuroodza”. Kana vanhu vachinzi makara asionani zvinoreva kuti vanhu ivavo vanenge vakavengana zvekuti havagone kugarisana.

Madimikira zvakare anogona kunzi azadzise mitsara zvakakodzera. Zvoreva kuti unofanirwa kunge uchiziva zvaanoreva kuti zvigodyidzana nechirevo. Zvipauro zvinoshandiswa zvakare kukodza mutauro. Zvipauro zviripo kuratidza mamiriro chaiwo ezvinhu. Kana tichinyora rondedzero pamusoro pemunhu kana chinhu, tinoshandisa zvipauro kuti tiburitse zvazviri. Muenzaniso watingapa unoti, “Chikomana chipfupi chakaroora kakadzi katema”. “Zigadzi zidema rakatema zimuti ziguru.”

Tinogona zvakare kukodzeka mutauro nenyaudzosingwi. Idzi dzinodiwa pakuzadziswa zvirevo kana kuburitsa maitikiro chaiwo ezvinhu.

Sekuti, muto wose wakaoma kuti “gwaa” Denga rese rakati “dhumha” nemakore. Akanzi mbama “watsu” ndiye mhere “kwetsu” kana “povo”.

Nyaudzosingwi dzinoita kuti vanhu vanakidzwe nemutauro.

Fananidzo dzinotibatsira zvakare paya patinenge tichida kutsanangudza zvinhu. Kazhinji tikazvifananidza nechimwe chinhu chinozivikanwa chinobva chagara mumusoro. Tinoti anokara sebere, anorwa semvumba, akachena sengirozi chaiyo, anodya senguruve. Anoverenga anobva aita mufananidzo chaiwo wechinhu chiri kutaurwa muchinyorwa.

Muzvikamu zvinotevera tinoda kutarisawo zvakaita sefananidzo kuti zvinyorwa zvedu zvigonakidza.

Share This:

Sponsored Links