Kukosha kwematicha mukurwisa Covid-19

06 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Kukosha kwematicha  mukurwisa Covid-19 VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rinodada nekuzvipira kwevarairidzi mubasa ravo, kunyanya apo nyika iri kutambudzwa nechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro naVaTaungana Ndoro, avo vanova director of communications and advocacy kubazi iri, vanoti panguva iyo nyika iri kupemberera zuva revarairidzi reWorld Teachers Day nemusi wa5 Gumiguru, vari kurangarirawo mabasa avanoita nekuzvipira kwavo mukurwisa denda iri muzvikoro.

“Mhemberero dzeWorld Teachers Day dzakaitwa nemusi wa5 mwedzi uno apo tinocherechedza kukosha kwevarairidzi vose zvichifambirana nemitemo yemabasa pasi rose, pasi pesangano reInternational Labour Organisation uye UNESCO. Apa tinenge tichitarisa kodzero dzevarairidzi uye nharaunda dzavanoshandira.

“Saka munguva ino yekurwisa denda reCovid-19, tinoona kuti muzvikoro mawaniswa midziyo yose inobatsira mukuderedza nyaya dzekutapurirana hutachiona hwechirwere ichi izvo zvinosanganisira kushandiswa kwemasanitizer mukugeza maoko, kusaungana uye kusimbaradzwa kwenyaya dzekupfekwa kwemamasiki. Tinofara zvikuru kuti varairidzi vedu vanhu vane chido nekuzvipira mubasa ravo,” vanodaro VaNdoro.

Mhemberero dzeWorld Teachers Day dzakatanga mugore ra1994 nechinangwa chekutarisa nhunha dzinosanganikwa nadzo nematicha mumabasa avo uye nebudiriro mukuzadzikisa zvinangwa zvedzidzo pasi rose (Global Education Targets).

“Gore rapera, mhemberero idzi dzakaitirwa pamasaisai zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 uye pakava nenguva yekurangarirwa kwevamwe varairidzi nevadzidzi vakarasikirwa neupenyu nekuda kwemafashamu emvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai.

“Gore rino kune vamwe varairidzi nevana vechikoro vakarasikirwa neupenyu uye vamwe vari kurwara nekuda kwechirwere cheCovid-19 nekudaro vari kucherechedzwa zvekare,” vanodaro VaNdoro.

Zvichakadai, sangano reZimbabwe Teachers Association (Zimta) rakacherechedza zuva iri pasi pedingindira rinoti, “Varairidzi vari pamwongo wekusimudzira dzidzo”.

Muchinyorwa, Zimta inoti inocherechedza zvikuru kuzvipira kwevadzidzisi mubasa ravo panguva iyo nyika iri kutambudzwa neCovid-19.

“Mhemberero dzeWorld Teachers Day dzegore rino tiri kudzicherechedza tiine ronda pamwoyo zvichitevera kurasikirwa kwatakaitwa nevamwe varairidzi nevadzidzi nekuda kwedenda reCovid-19. Varairidzi vari muchikamu chevashandi vepamberi. Saka pari zvino tiri munzira kudzoreredza pekare tichiona kuti nharaunda yedzidzo yasimudzirwa kuburikidza nekuwaniswa kwezvinodiwa kuitira kuti tisaramba tichirasikirwa neupenyu munyaya dzedzidzo.

“Tinofara kuti ivo varairidzi vari kuramba vakazvipira mubasa ravo,” inodaro Zimta.

Ongororo yakaitwa nesangano reUNESCO neUNICEFmugore ra2020, inoratidza kuti vadzidzi 1,6 biriyoni pasi rose – chinova chikamu che90 percent chevadzidzi vose – uye varairidzi 63 miriyoni vakakanganiswa raramo yavo nekuda kwechirwere cheCovid-19 apo zvikoro zvakambovharwa uye zvimwe zvichishaya zvinhu zvinokwanirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>