Kunyora rondedzero

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MUCHIKAMU chadarika ndakabata zvirungamutauro ndichiti ndizvo zvinoita kuti rondedzero idzame igodaidza goho rakakura. Ndakasiya zvirungamutauro zviviri izvo zvisinganyanye kushandiswa nevanhu mukunyora kwavo.

Kune mazitasingwi anoshandiswa mukusimbaradza zvinyorwa. Anoda kubata semabatiro emadimikira asi iwo aine mwero wawo. Mazitasingwi anoshanda sekudai, “Pakurwa imbwa yangu ishumba chaiyo. Baba vangu imvumba pakushanda mabasa amawoko.”

Kana mwana achida mutsindo mubasa rake anofanirwa kurunga mutauro wake zvakakodzera.

Zvino kana taziva zvirungamutauro izvi, tichazvishandisa pai? Zvirungamutauro izvi tinozvishandisa murondedzero iyo inonyorwa iri muzvikamu zvinopatsanura pfungwa dzemunyori.

Apo munyori anopihwa musoro wenyaya mumusoro make munoungana dutu repfungwa. Dutu repfungwa iri rinoda kutekenyedzwa kuti rigoondomoka kuita zvikamu. Mukugadzira zvikamu imomo ndimo mukutanga kwerondedzero.

Rondedzero chinyorwa chine pfungwa dzinoerera uye dziine hochekoche nekupindirana sengetani.

Zvinoreva kuti chikamu cherondedzero kuti chibude zvakanaka chinofanirwa kuondomorwa kuita pfungwa ina kana shanu. Tinofanirwa kuwana pfungwa huru muchikamu chega-chega.

Pfungwa huru ndiyo yatinodaidza kuti (topic sentence) inenge yakatakura zvose zvichada kushandiswa muchikamu ichocho. Zvinoreva kuti pfungwa huru ichapfupfunyura huni (developers). Mukuyedza kupfupfunyura pfungwa huru uku ndimo matinoshandisa zvirungamutauro zviya kuti tisimbise pfungwa huru. Kana tasimbisa nechikamu (paragraph) icho chinozoda kupenderwa (conclusion).

Izvi zvinotaura mamiriro akaita chikamu cherondedzero. Chikamu ichi chinotanga ne”topic sentence”, pfungwa huru ( developers) zvitsigira pfungwa huru nemupendero (conclusion).

Apa ndipo panotangira basa rerondedzero uye chikuru chinodiwa kugona kutsvaga pfungwa huru idzi. Hadzifanirwi kuwanda kupfuura kana shanu.

Ngatitore musoro wenyaya unoti “Muchato wandisingakanganwi”. Dutu rinozara mumusoro vanhu vari pamuchato. Zvese zvakaitika zvichazobuda nepfungwa huru dzichaondomoka kubva mudutu iroro.

Tinoda kuti tiburitse pfungwa huru apa.

Chekutanga iungano yevanhu vaivapo namapfekero avo. Pfungwa huru yepiri ndeye vachati nemachenero avo.

Pfungwa huru yetatu ndeyezvakadyiwa nekunwiwa. Kunozouya pfuyngwa huru yezvipo zvakabviswa. Kana zvatodai musana werondedzero wavapo. Chasara kupfupfunyura pfungwa huru idzi nekutsvetera zvirungamutauro panokodzera mukuumba zvikamu.

Mwana anotanga kuratidza hutsanzi hwake apo anoburitsa pfungwa huru.

Chatinodira kuti pfungwa huru dzibude kuti tisasanganisa mashoko nepfungwa dzisinei nepfungwa huru.

Chikamu chinofanirwa kutaura pamusoro pepfungwa imwe chete iyoyo. Kana zvezvipo zvine zvikamu zvazvo zvega.

Chinozodiwa chete kunzwa mapenderero echikamu chega chega kuti chigogona kupindirana nechinotevera panodiwa mhedziso yakakodzera inosunganidza twese twataurwa pamusoro mumitsara inokwana mina kana mishanu.

Rondedzero yakanaka inoratidza kurongeka kwakaita munhu wacho. Inoburitsa hutsanzi hurimo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>