Kunyora tsamba

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
TSAMBA dziriko kubandiko rerondedzero uye kazhinji hapashaikwe tsamba pabvunzo regore rechinomwe. Bvunzo rega rega gore negore rinotouya rakapa rondedzero yetsamba.

Kune vana vanonyatsoziva kuti kana paita zvetsamba, zvibodzwa kana goho rakanaka zvauya zvega.

Tsamba iri nyore nekuti haina nhongwa dzakawanda sedzinodiwa kune dzimwe mhando dzerondedzero. Chinongoda kutanga kuzivikanwa inyaya yekuti kune mhando mbiri dzetsamba. Kune mhando yetsamba yeushamwari kozoita tsamba yebasa.

Pane musiyano mukuru pakunyorwa kwetsamba. Zvinotangira kusiyana kukero chaiko nekuti tsamba yebasa inonyorwa kero mbiri. Kero yekutanga inogona kunyorwa ichitangirwa pakati pepepa tichienda kurudyi todzika zviri mumutsetse kusvika kero yapera pasina zvimiso zvaiswa pobva pacharikwa mutsetse ponyorwa zuva ranyorwa tsamba.

Kana wadarika mutsetse kubva paperera zvinoenderana nekero yekutanga, wobva waenda kuruboshwe panotangira kunyorwa wonyora kero yekwauri kunyorera tsamba. Kana wapedza kero yepiri unobva waisa nhuriro. Nhuriro zvinodudza chaiko chaiko kuri kunomharwa netsamba iyoyo. Mamiriro chaiwo anenge akaita tsanangudzo yepamusoro ndeaya:

 

Shingirayi Primary School

Post office box 9058

Mbare

Harare

 

21 July 2017

 

Mukuru wechikoro

St Augustine college

Box 2024

Penhalonga

 

Manyorerwo echipiri ekero anosiyana neataratidza pamusoro pakuti kero dzose dziri mbiri dzinotangira kuruboshwe asi dzichitevedzera muronga wemanyorerwo adzo aya akatarwa.

Tsamba yebasa inoti kana tabva munhuriro tinochinyora donzvo kana chinangwa chatanyorera tsamba iyoyo apo tinogona kunyora namavara makuru torega kutara mutsetse pasi kana kuti tinonyora donzvo nemavara maduku tozoisa mutsetse pasi.

Tapedza izvozvo, tinochiisa mutumbi wetsamba yedu uyo unonyorwa uri muzvikamu zvikamu zvinopatsanurwa nekudarikwa kwemutsetse. Ngaticherechedzei kuti kana tanyora donzvo kana kuti dingindira namavara madiki izwi roga roga ngaritange nevara guru.

Mumutumbi wetsamba yebasa hamupe munyori mukana wekutaura zvisinei nezvanyorerwa tsamba kana zvekumhoresana.

Mutumbi uyu unotakura chete zvine chekuita nedonzvo ranyorerwa tsamba.

Mhedziso yetsamba iyoyo inofanirwa zvakare kurerekera kudonzvo retsamba. Tapedza mhedziso, tinozofanirwa kunyora zita redu zvizere. Kana ndichitaura nyaya yezita rizere ndinenge ndichireva remudumba (first name) nere dzinza (surname).

Tsamba yechipiri itsamba yeushamwari iyo tinonyora kuhama neshamwari dzedu. Tsamba yeushamwari haina nhongwa dzakawanda asi kuti ine mwero wayo unongodawo kuti utevedzerwe.

Inosiyana netsamba yebasa kubvira kukero chaiko kusvikira kumagumo. Panze pekero mbiri dzinoitwa kutsamba yebasa, tsamba yeushamwari inoita kero imwe chete iyo inogona kunyorwa tichitangira pakati pepepa tichienda kurudyi kana kuti kutangira kuruboshwe tichidzika zvakanaka.

Tinofanira kucherechedza kuti mukunyora kero hatiise zvimiso kana kunyora mazwi muchidimbu.

Mwero ndiwo ndiwo wekucharika mutsetse kana tonyora zuva ranyorwa tsamba.

Panhuriro tinogona kuita madanha nemazwi zvichienderana nekuti tsamba iri kunyorerwa ani. Kana ari mudikani tinonyorawo nhuriro yekurezvawo zvichingodaro.

Mutumbiwo wetsamba yeushamwari hauna mwero wekutevedzera nekuti zvakawanda zvinenge zvichida kutauriranwa paushamwari kana pahukama nekudaro munobuda twakasiyana-siyana twunganyorwa kusanganisira kubvunzana upenyu chaiko.

Kana yava mhedziso panongonyorwa zita remudumba chete nekuti vaviri ava vanenge vachizivana.

Share This:

Sponsored Links