Kunzwisisa nezvemutemo maringe neroora muZim

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Kunzwisisa nezvemutemo maringe neroora muZim

Kwayedza

Danai Chirawu
NOMUSI wa12 Chikumi 2020, bepanhau reThe Herald rakanyora nyaya ine musoro unoti ‘Mutemo Mutsva Weroora’ zvinova zvakapa mitauro yakasiyana mudzimba zhinji muZimbabwe nekuda kwetsika nemagariro zvakasiyana maringe nekubviswa kweroora.

Izvi zvakatipa mukana wekuti tinge tichitarisa zvinhu zvakawanda zviri maringe nenyaya dzewanano muZimbabwe uye kusanduka kuri kuita mitemo.

Pari zvino mitemo yewanano iri kuitwa gakava mudare reSanate mushure mekupasiswa muNational Assembly mumasvondo mashoma adarika.

Mugore ra1982, mutemo unoona nezvevabva zera  (Legal Age of Majority Act) wakadzikwa izvo zvakaita kuti utambirwe neveruzhinji apo pakaonekwa kuti kana munhu achinge asvitsa makore 18 ekuberekwa anenge ava kuonekwa seabva zera ava kuzvimiririra kodzero dzake kana kupinda muwanano uye kukwanisa kutenga midziyo yake.

Mushure memakore maviri, mugore ra1984, dare reSupreme Court rakatsanangura nezvemutemo uyu panyaya yaKatekwe vs. Muchabaiwa richiti madzimai haachafaniri kunge vachida rubatsiro rwemunhu mukuru sezvo vaine kodzero dzavo. Kureva kuti vanababa vakashaiswa masimba ekureva mari dzedhemeji kana mwana wavo achinge asvitsa makore 18 ekuberekwa nekuti anenge ava nemasimba ekuzvimiririra.

Izvi zvakashaisa vanababa masimba ekureva roora kana kupa mvumo yekuti mwana wavo ange achiroorwa.

Chimiro ichi chakashamisa vazhinji zvisinei nekuti chivanhu netsika nemagariro zvinotarisira kuti mudzimai ange achiroorwa mushure mekunge vabereki vatendererana nazvo.

Sanduko idzi dzakaitika muna1982 dziri kutarisirwa kuti dzinge dzichiitwa mumitemo yewanano yechivanhu. Mugore ra2019, Paramende yakazivisa kuti nyika ichange ichifambira mberi nerwendo rwekusandura mitemo yewanano kuti inge ichifambirana nezviri mubumbiro remutemo pasina rusarura senzira yekuona kuti madzimai nevarume vawaniswa kodzero dzakaenzana.

Mutemo usati wadzikwa unopinda muzvikamu zvakasiyana-siyana kuParamende, veruzhinji vopawo pfungwa dzavo uye kana uchinge wabvumwa, mutungamiriri wenyika anozopa pfungwa yekupedzisira kuti Bill ringazoitwa mutemo here kana kuti kwete.

MuZimbabwe, Marriage Bill richiri kuzeyewa muParamende. Chinangwa cheMarriage Bill ndechekuenzanisa mikana pakati pevarume nemadzimai uye kucherechedzwa kwewanano dzakasiyana.

Mutemo wewanano uripo haunei neroora asi kuti vanhu vanokwanisa kuenda kunonyoresa wanano yavo kana vachibvumirana.

Chinodiwa bedzi kubhadhara mari yeraisenzi (license) inobhadharwa kudare reMagistrates Court iri pedyo nemi pasina kubvunza kuti roora rakabviswa here kana kuti kwete zvinova zvine musiyano newanano yechivanhu.

Zvinodiwa mukunyoresa wanano:

Wanano inofanira kunyoreswa mudunhu rinogara mudzimai.

  1. a) Mubereki kana anenge atumwa anofanira kunge aripo
  2. b) Vabereki vanofanira kunge vabvumirana neroora rakabviswa
  3. c) Roora zvikuru sei “rusambo kwete tsvakirai kuno” runofanira kunge rwakabviswa rwakakwana
  4. d) Murume anofanira kubvisa mari yekunyoresa wanano
  5. e) Wanano yechivanhu inofanira kunge yakanyoreswa kuitira kuti kana vabereki vakaramba kubvumirana newanano yacho.

Tumirai mhinduro dzenyu padandemutande rinoti  [email protected] .Tarisirai chimwe chinyorwa mubepanhau reKwayedza nomusi weChina. Panyaya dzemhirizhonga chayai nhare paToll free nhamba dzinoti 08080131: Hotline 0782900900. Rangarirai kupfeka mamasiki nekuita zvese zvine kutsvinda kuti mudzivirire chirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links