Kupendera zvewanano

05 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
“SARURA wako kadeyadeya ane ndoro chena, wangu mutsvuku kadeyadeya ane ndoro chena, asina zvimbi kadeyadeya ane ndoro chena, anozora dovi kadeyadeya ane ndoro chena.”

Aka kambo kaiimbwa pamitambo yechinyakare iyo yaidzidzisa vanasikana nevakomana kutsvaga tsvarakadenga yaanenge achida kuzogara nayo muupenyu. Vamwe vaibva vatodanana zvekuzotorana kumitambo iyoyo dzamara vatomisa dzimba nekuvaka mhuri.

Chikamu chapfuura chakapedzesera nekutarisa maroorerwo aiitwa makarekare. Zvasiyana nezvava kuitwa mazuva ano, kuti hakuchina kadeyadeya kachaitwa nekuti vanhu vava kutsvetsvana panharembozha vasina kana kumboonana uye kana voda kuroorana vanoisa pepa chete rine mari iri kudiwa nevakarahwa kubva kumukuwasha wavo.

Hapachina ana makandinzwanani kana tsvakiraikuno, mapfukudzadumbu chero matekenyandebvu.

Nekudaro vana vadiki, kunyanya vezera regwaro rechinomwe, kana vobvunzwa izvi pabvunzo dzavo, vanobva vaomerwa nechikoro.

Ndokusaka tichitora mukana iwoyu kudzidzisa vana nezvaitika makarekare. Chikamu chino tiri kupendera nenyaya dzerudo tichibata zvakasaririra kuti gudza redu rerudo rigopendereka zvakanaka.

Ndakapedzisira nenyaya yepwanyazhowa kana kuti matyorwa ndichitsanangura kuti imari inobvisiswa mukuwasha kana akaitisa mwana wevanhu pamuviri iye asti aroora.

Mukuwasha kana apedza nhongwa dzevakarahwa, anozonzi ape vana atezvara zvekudya nezvekunwira nekudaro anobvisiswa anonzi mapasuro ayo anodaidzwawo kunzi mafidyongo.

Vanhu vanochidya zvino vachiwadzana nemukuwasha wavo. Ndakambotaura kuti mukuwasha anobvisiswa mombe dzinotsika dzedanga nekudaro anotarisirwa kuti agonoratidza vana atezvara mombe dziya.

Kuti vakarahwa vasumuke kubva kumusha kwavo kuenda kumukuwasha kunoona mombe idzodzo dzavakapihwa vanototanga vapihwa mari inonzi rusumudzo.

Vasvika ikoko, vanopihwa zvakare mari inonzi yemaziso kana kuti munongedzo kuti vagozogona kunongedzerwa mombe dzavo.

Kana vapihwa mombe dzavo, vanopihwa zvakare mari yekuti vagodzitinha voenda nadzo kwavo. Mari yavanopihwa ipapo inonzi mari yerushamhu kuti vagosvusvudzira mombe dzavo voenda kumana kwavo.

Kana muroora otanga kupinda mumusha maakaroorwa anogara kure neruvanze akafugidzwa uso nejira. Anozosimuka ipapo kana abvisirwa mari yeshonongoro. Kana ashonongorwa, anozopururudzirwa achipinda mumusha.

Mukuwashawo kana ari mutsva, anobikirwa doro iro anopihwa kuti anwe agoratidza ndido dzake kuvakarahwa vake. Doro iroro rinozi mhamba yomukwambo.

Kana murume asisadi mukadzi waakaroora anomupa gupuro inova mari shomashoma yokuratidza vanatezvara kuti haachada zvemwana wavo.

Kana kuri kufa kwemudzimai akaroorwa vachigarisana zvakanaka nomurume wake, murume anopihwa mumwe mukadzi uyo anodaidzwa kuti bondwe kana kuti chigadza mapfiwa.

Kana mukwasha aiine tsika dzakanaka achigara nemukadzi wake zvakanaka anopihwazve mumwe mudiki anodaidzwa kunzi chitsaramvi.

Kana murume aine barika, mukadzi mukuru anonzi vahosi wepakati onzi murongo, wekupedzisira anonzi mukaranga. Mukadzi anonyanya kudiwa pabarika anonzi svovi kana kuti nyachide.

Uya anongoti chaanzwa kuse nacho kumurume anonzi kadidiya.

Kashoma chose kuti mukwasha agopedza kuroora nezuva rimwe chete asi kuti zvimwe anoita zvekubatira achiitira kuzopedzesa kana twunhu twake twaringana.

Mari inosaririra sechikwereti pakuroora inonzi jeredzwa.

Vanhu vane ukama havabvumidzwi kuroorana kana kudanana.

Kana izvi zvikaitika, ndiwo anonzi makunakuna. Kana vakaenda mberi newanano ivo vaine ukama vanobvisiswa mombe chena yecheka ukama.

Share This:

Sponsored Links