‘Kupfuya matoki kwaane mari’

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rinoti zvakakokosha kuti vaite mabhinduko akasiyana anosanganisira kupfuya matoki nezvimwe zvipfuyo zvidiki sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri.

Mukuru weZCFU — VaWonder Chabikwa — vanoti varimi vanofanira kuvandudza mabasa avo kuitira kuti vasangomirira kutarisira kuwana mari kubva kuzvirimwa chete.

“Varimi vedu kumatunhu akasiyana enyika unongovanzwa vachitaura zvekuchengeta dzingava huku, mombe, makwai, mbudzi, nguruve, hanga, hangaiwa, tsuro nezvimwe.

“Handizive kuti matoki vanoasiya papi.

“Izvi zvipfuyo zvinopa varimi mari yakawanda zvikuru,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti matoki ari nyore kupfuya uyewo anopa varimi mari yakawanda zvikuru nenguva pfupi-pfupi.

“Matoki haanetse zvachose kupfuya nekuti tinoshanda nenyanzvi dzinoita nezvekupfuiwa kwehuku nezvimwe.

“Toki rimwe chete rinotengwa nemari inotangira pa$30 kusvika $50 saka zvine pundutso kuachengeta,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti kudya kwezvipfuyo izvi, mishonga yekudzivirira zvirwere neyekuzvirapisa zvinowanikwa nyore.

“Basa iri rinokwanisa kuitwa panzvimbo isina kukura zvakanyanya zvakasiyana nezvimwe zvipfuyo. Matanga acho zvakare haanetse kugadzira uyewo panoda zvapo mvura yakachena nenzvimbo isingapinde mvura,” vanodaro.

Mhando dzematoki anokurudzirwa kuchengetwa dzinosanganisira white holland, standard bonze, bourbon reds, narragansetts, royal palm nebroad breasted.

VaChabaikwa vanoti matanga anovakirwa matoki anofanirwa kunge aine nzvimbo yakakura kuti mhepo ikwanise kupinda mukati.

“Matanga edu anofanirwa kunge akatambanuka zvikuru zvekuti rimwe chete rinofanirwa kuchengeterwa matoki makuru gumi nemaviri achiwana pekufema pakanaka uye achipihwa mvura yakachena,” vanodaro.

Zvipfuyo izvi vanoti kana dziri hukwana dzinovharirwa mumakeji kusvika dzakura dzave kukwanisa kupara dzoga.

“Mvura yakachena nekudya kusati kwagariswa zvinokurudzirwa zvikuru kumatoki, mvura yakachena inokwana garoni inofanirwa kunwiwa nematoki 12. Matanga acho anofanirwa kugara achimwaiwa mishonga inouraya nhata nekubviswawo madororo nguva dzose,” vanodaro VaChabikwa.

Toki rimwe chete rinogona kuita mazai anodarika 20.

Zvakadai, zvirwere zvinowanikwa kumatoki zvinosanganisira airsacculitis icho chinotadzisa kufema zvakanaka, black head necoccidiosis chinokonzera manyoka.

VaChabikwa vanokurudzira varimi kuti vashande nenyanzvi munyaya dzekupfuya zvipfuyo nemachiremba emhuka kuti vakwanise kugara zvipfuyo zvavo zviine utano hwakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>