Kurunga mutauro nenyaudzosingwi

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
“MUWEWE wemupeni wakanzi vhovhono ndokubva wanzi tindindi napahudyu pavaMandinenera. VaMandigona vakabva vaiti mhere kwetsu vakabata gotsi ravo. Mujubheki akanga zvino achiti udyu maziziso matsvuku mushure mekudzipura banga kubva muhudyu yavaMandinenera. Ropa rakati odzvo kunge raibva mudhiramu, nenguva isipi VaMandinenera vakange vati vhuvhuva muguvi reropa. Nenguva isipi, musha wose wakanga wati unga unga vamwe riri bararamhanya kuedza kutsvaga kubatsira VaMandinenera vainge vongoomba sehandira nekugomera-gomera. Hapana akati bufu naMujubheki nekutya kutibvurwa nebanga rakanga rakanzi kwii nebango reruoko. Ndunda yakabva yati kakanya kakanya ichiswetaira kubva panzvimbo vanhu vachiita mirakatira vachiridiguka vachiivhurira nzira. Vanhu vakasara vakati kanha nazvo iyo miromo yakati bamama kushama nhunzi dzichiita bira rakamba.”

Chinyorwa chiri pamusoro chakati tundu kuzara nenyaudzosingwi rinova ndiro dingindira rechikamu chino. Nyaudzosingwi ndidzo dzimwe dzezvirungamutauro zvinogona kunyatsokodza mutauro kuti utapire.

Nyaudzosingwi dzinoburitsa maitikiro chaiwo akaita zvinhu. Dzinopa muverengi mufananidzo mumusoro make wemafambiro chaiwo akaita nyaya kubvira painotangira kusvika painoperera.

Muchikamu chino tinoda chose kuongorora mashandisirwo enyaudzosingwi.

Kana tichida kutaura nezvemafambiro tinotora nyaudzosingwi dzakaita sana razvu razvu. Apa tinenge tichitaura mafambiro ekukanda nhanho kubudikidza nekureba.

Mafambiro iwayo anotwa zvakare nevaya vanenge vakazvishongedza zvemhando yepamusoro.

Pane kufamba kwekuti kwashu kwashu uko kunoitwa nezvigwindiri. Vamwewo ndivo vanoti kakanya kakanya semapikoko vachiratidza zvakare kuzvida nekuzvitutumadza nekunanisira pane vamwe. Kunoitawo vanorwara kana vanotonhorwa vasingakwanisi kuti kwashu kwashu, ndivo vanoti nonova nonova.

Kana kwava kufamba kwemhuka dzakaita semahachi tava kuti tyaka tyaka.

Kana totaura zvekuchema tinopinza nyaudzosingwi dzakaita sana kukwetsura mhere, kubongomora, kubararadza. Uku kuchema kune ruzha rukurusa runoitwa kunyanya nevaya vanenge vachangotambira shoko rerufu kana vari kuzvindikitwa kurohwa.

Pakuchemapo vamwewo vanopfikura pfikura vasinganyatsoburitsa ruzha rwese. Vamwewo vanochema chimhukutira apo misodzi yega ndiyo inoonekwa ichiti mokoto mokoto namatama. Kune vamwe vanoungudza avo vanorambochema zvinyoronyoro asi vachidudza zvavari kuchemera kunyanya kana riri dambudziko rinenge raramba rakanamirira.

Kana kuri kugara chaiko kunobuda nepakawanda.

Kana vanhu vakawanda vanga vari panhimbe vogara pasi kuti vapuwe kudya kuya kunonzi mufairo, vanoti mboya mboya. Vanoti zvakare mboya mboya kana vapwere vonwa mapara pahumwe apo vakuru vanenge vonwa chikurura mabhachi.

Mboya mboya inonyanyoshanda kana vanhu vari pamwepo. Kana vari vanhu vakawanda vakangogarawo havo pano neapo tinoti vakati ware ware. Kazhinji zvinotwa nevanenge vakamirira chimwe chinhu chakakosha.

Kana ari mukadzi akasimba zvikuru akagara tinoti akati pwashasha. Kugara chaiko kwakarurama kunonzi tende.Kana kwava kutsamwa toti akati shutu kana kuti kwindi. Kutarisa tinoti akamuti ndee kana kuti baa.

Tinogona zvakare kuti dzvututu kutarisa. Kurumwa nemago tinoti ndure uye kana tava kutaura zvekurova nembamba tinoti watsu.Kudya kwekukasika tinoti kabu kabu kana kuti kachu kachu ndokunge tichikasika.

Share This:

Sponsored Links