Kushandisa pfekedzo muzvinyorwa

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

TINOISIMUDZIRA ndima yedu tichienda mberi apo tinoda kumutsiridza nyaya yepfekedzo. Ndakabata zvishoma muvhiki rakapfuura apo taiona kukosha kwekupfekedza zvirevo zvedu nevara guru.

Takaonesana zvakare kukosha kwakaita chindaguma muzvinyorwa zvedu. Kungava kupindura mibvunzo yenzwisiso kana kunyora rondedzero, mitemo iyi ikasatevedzerwa panoita kurasika kwezvibodzwa kwakati kuti. Vanokwenya basa revana pabvunzo ndizvo zvinhu zvavanokanda ziso pazviri.

Zvinoda kuti tigare tagadzirira nguva iripo kuti tigosekerera mangwana. Zvakawanda zvinodiwa pakunyora kwakanaka uye kunotarisirwa zvekuti tinotoda nguva yakareba kuti tidonongodze zvose. Ndiko kusaka tada kushandisa mukana uno kusvika tabatazve chimwe chikamu chechitatu chiri maringe nekunyora kwakanaka.

Mitemo yandiri kuburitsa muzvirongwa zvino haisi mitemo iya yemumusoro mangu asi kuti yakatonyorwa pasi mumagwaro ane chekuita nekudzidza kwevana kusvika pazvidzidzo zvepamusoro.

Chikamu chakapfuura ndakabata nyaya yemhando dzepfekedzo dzandakati tichadzirudunura muchikamu chino. Tine mhando yepfekedzo yechibvunzo (question mark). Chibvunzo chinoshandiswa pese patinonyora chirevo chemubvunzo sekuti, Uri mugwaro rechingani? Vana vazhinji vanorasika pakuzoda kupfekera chibvunzo pamubvunzosiri.

Mubvunzosiri haudi chibvunzo pekupedzisira asi kuti panotopinda chindaguma. Mukuita kwedu pfekedzo muzvirevo nezvinyorwa, tinoshandisa chinonzi chikuwo (exclamation mark).

Chikuwo tinochishamdisa pese patinonyora zvirevo kana mazwi anoratidza kushamisika. Chinoshandiswa zvakare panenge panyorwa mazwi anotaridza kuvhunduka kana kudeedzera. Mazwi kana zvirevo zvine chekuita nekukanuka zvinoisirwa chikuwo kumberi.

Mukutaura tinogona kuburitsa mazwi chaiwo akataurwa nemunhu kana kuti tinogona kuzotaurawo napapfupi nemamwe mazwi asi zvisingauraye dingindira renyaya yakataurwa. Paya patinoburitsa mazwi chaiwo anyakutaura, tinofanirwa kuakomberedza nezviratidzamutauri (quotation marks kana kuti inverted commas).

Ngatitorei semuenzaniso, Chidyamatehwe akati, “Ndisvitse pfumo rangu nemiseve ndipinde musango.” Zviratidzamutauri zvinokomberedza mazwi chaiwo akataurwa semataurirwo aakaitwa. Kana toda kuratidza zvinhu zviri kuda kudomwa, tinoshandisa zvidonhwe (colon) (:).

Zvidonhwe zvinoshandiswa zvakare kana mazwi achatevera achada kuzonyorwa. Hounoi muenzaniso watingatora kuratidza mafambiro anoita zvidonwe muzvirevo kana zvinyorwa zvedu. Ratidzai akaona mhuka dzinoti: tsoko, nhoro, ngwarati nemakudo.

Kubva muzvidonhwe zvepfekedzo, tinowana zvidonhwegasva (;) (semi-colon). Chidonhwegasva chinoshanda panzvimbo mbiri muzvinyorwa. Tinochishandisa paya panonyorwa pfungwa mbiri dzinoenderana sekuti, Sekuru vakasvikoti zete mumumvuri; ambuya ndokuvaigira komichi yemvura.

Tinopfekera zvakare chidonhwegasva pese panonyorwa pfungwa dzichitevedzana muzvirevo zvirefu zvine zviturabefu mukati mazvo.

Zvatabata muchikamu chino nechakapfuura ndizvo zvinogona kuvaka kana kupunza goho redu kana takatarisana nebvunzo regwaro rechinomwe. Vakwenyi havangoerekana vakanda goho pachinyorwa asi kuti pane ongororo inotanga yaitwa pachipiwa mwero wegoho unoringana nechinyorwa nemanyorerwo. Chinyorwa chega chega chinotungamirirwa nemunyori wacho, nokudaro mutungamiri ngaave neruzivo rwakakwana kubvira kumapatsanurirwo emazwi nemabatanidzirwo awo. Zvinoda zvakare kuziva mutauro wacho chaiwo kuti sungawirirano igonyatsobuda uye mutauro ugorungwa nezvirungamutauro zvakaringana.

Chikamu chinotevera tinoda kubata zviri maererano nekubatanidza nekupatsanura mazwi. Vavariro ndeyekuti kana tonyora basa, mhosho dzigoita shoma uye tisvitse mukwenyi webasa mukukutura dengu regoho pazvinyorwa zvedu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>