Kutengeserana mbeu kwave nyore

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Kutengeserana mbeu kwave nyore

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
BOKA remubatanidzwa weCommon Market for East and Southern Africa (Comesa) – rakabatana nesangano reZimbabwe Seed Association – nguva pfupi yadarika mukuparura chirongwa chekutengeserana kwakanaka kwembeu pakati penyika dziri mumatunhu emubatanidzwa uyu.

Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, VaDenias Zaranyika, vanova mutungamiririri weZimbabwe Seed Trade Association, vanoti kuwaniswa kwembeu yemhando yepamusoro kwakakosha zvikuru nekuti kunosimudzira nyaya dzekurima uye nechikafu kune veruzhinji.

“Varimi vanoramba vachisangana nekushaiwa mbeu nekuda kwekushomeka kwemisika rinova dambudziko rakatekeshera pasi rose. Izvi zviri kukonzerwa nenyaya dzemitemo yakawanda inosanganisira kuwaniswa kwezvitupa kumakambani anoita nezvembeu uye ongororo yembeu munyika dziri muComesa zvichitadzisa varimi kuti vabure mbeu itsva kana kunonotswa kwavo kuita izvi,” vanodaro.

Vanoti kana mitemo ikange yave kufambirana zvinobatsira mukuvhurwa kwemisika yembeu yakawanda munyika dziri muComesa.

“Kana mitemo yedu ikange yakafanana zvinobatsira munyaya dzekutengeserana kwembeu munyika dziri muComesa zvichiita kuti varimi vakawanda vave nehunyanzvi hwekurima mbeu dzinobudisa goho guru.

“Kuparurwa kwaitwa chirongwa ichi kuchaita kuti makambani ese ari mubhizimusi rembeu ange achiwaniswa misika yekutengesera muno kana kunze pasina zvibingaidzo zvinova zvichabatsira nyika kuti inge ichiwana mari dzekunze,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mai Gizila Takavarasha, vanova chief finance officer weComesa Alliance for Commodity Trade for Eastern and Southern Africa (ACTESA), vanoti vanofara zvikuru nekupinda kwakaita Zimbabwe muchirongwa cheComesa chekutengeserana mbeu ichi.

“Chirongwa ichi chakakosha zvikuru mukupa varimi ruzivo maringe nemitemo inodiwa mubhizimusi rekutengesa mbeu munyika dziri muComesa,” vanodaro.

Vanoti chikamu che80 percent chembeu dzinoshandiswa muZimbabwe dziri kubva kumisika yakati tsvetere kana kuti kumakambani akanyoreswa zviri pamutemo.

“Ndinopembedza makambani anouchika mbeu muZimbabwe nekuti vari kukwanisa kuzadzikisa zvinodiwa nevapi vezvitupa zvekuva mubhizimusi iri,” vanodaro.

Munyori mukuru kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, vanoti chirongwa ichi chichaburira Zimbabwe bhizimusi rekutengesa mbeu kune dzimwe nyika iyowo ichiwana dzimwe mhando itsva dzembeu dzinobva kunze.

Izvi, vanodaro VaChitsiko, zvinosimudzira misika nekuwaniswa kwemabasa zvichifambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika cheZim-Asset.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>