Kuti vatema vakunde . . .

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Nzira dzinoshandiswa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vange vachikunda vachana.

Vatema vanotora nzira dzakasiyana-siyana kuti vange vachikurira vachena muhondo. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Kupotera kunze kwenyika tinoona povho ichibva muChipinge ichitungamirirwa naKomuredhi Pedzi kuenda kuMozambique uko vainopotera; ukuwo vamwe vachidzidziswa kurwa hondo.  Kusarudza vakomana vakasimba kuti vanodzidziswa kurwa hondo – vanaKuda, Bhodho, Josiah nevamwe vanosarudzwa kubva kukamba 1 kwavanosvikira kuti vaende kukamba 2 kwavainodzidziswa kurwa hondo.

Kushandisa masirogani kuti vazivane makomuredzi pese pavaisangana vaizivana kuburikidza nemasirogani. Izvi zvaiita kuti vazive aive neaisave muvengi wavo.

Kudzidziswa kurwa hondo nezvematongerwo enyika – vanhu vaienda kukamba 2 vachinodzidziswa kurwa hondo kuburikidza nenzira dzakaoma sezvinoitwa vanaKuda, Josiah, Bhodho nevamwewo. Panguva imwe chete iyi vaiiswawo mumapoka mavaizodzidziswa nezvegwara remusangano weZanu.

Kutsvaga rubatsiro kubva kupovho magandanga aitsvaga rubatsiro rwechikafu kubva kupovho kunove kwavaipihwa zvekudya vari kumabhesi kwavo. Tinoona kuti povho yaibatsirawo magandanga kutakura zvombo kubva kuMozambique kupinda nazvo muZimbabwe. Kutuma vanamujibha kuti vawane ruzivo rwemafambiro aiita masoja vanamujibha vainge vachitumwa navanamukoma kuti vafambe vachitsvaga kwaive nemasoja, zvaaiita nezvaaironga. Ruzivo urwu rwaibatsira magandanga zvikuru pakurwisa masoja. Levi anotuma vanamujibha nemamwe magamba kuti vanosecha zvitunha zvemasoja pamwe chete nekuvatorera pfuti. P.131.

Hondo yaitungamirirwa nemaDetachment Commander ava ndivo vaive vakuru vaitungamirira zvikwata zvevarwi vakawanda uye vaipihwawo mhosva kana pakaita hondo yaizourayisa vanhu vakawanda vavaitungamirira. Vaizopihwawo mirango nevakuru veCentral Committee vanove vaive pamusoro pavo.

Kubatanidza vanhu – magandanga aidzidziswa kuti aifanira kushanda nevanhu vepovho zvakanaka vakabatana kuita chinhu chimwe chete (socialism). Izvi zvaiita kuti hondo yavo ive nesimba rekurwisa vachena. Magandanga haaifanira kubira povho mari kana zvimwe zvinhu. Tinoona magandanga aive naKuda achiviga zvombo zvawo pamba pevamwewo vanhu muhozi pavanenge vachibva kuMozambique. Izvi zvinoratidza kubatana kwaivepo pakati pemagandanga nepovho.

Kuparidza shoko rehuipi hwemabhunu magandanga paaidzidziswa hondo vaiudzwa zvakawanda pamusoro pehudzvanyiriri hwevachena. Tinozviona zvichiitwa kuchikwata chavanaKuda zvinoita kuti iye Kuda anzwe kuda kuchema paanoparidzirwa hutsinye hwese hwaiitwa nemabhunu. Mharidzo idzi dzaiita kuti magandanga ave nesimba rekurwa.

Tinoenderera mberi nenzira dzinoita kuti vatema vange vachikunda vachena muhondo yeChimurenga svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>