Kutsemukira Jesu kuti tsemu, tsemu

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa

ICHOKWADI vanhu vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera. Vanhu vanokutsemukira kuti tsemu, tsemu, tsemu.

Paye Enzo wakapotsa waparidza nechimbo chako. Jesu anotarisa vanhu vaakasika obva atoona vakasasika tsika nehunhu pamaBraai stand vachitaura nyobvo.

Vanhu vari kutsemukira Jesu kuti tsemu, tsemu, tsemu vachiti nekuti Jesu haapopote kana kugandukira munhu, saka hapana puresha. Asi Jesu anoziva kuti tiri kumutsemukira nyangwe achiramba akanyarara, isu vacho tobva tafunga kuti akafanana nesu.

Variko vanhu vari kubamukira Jesu kuti bamu bamu vachimuudza kuti, “Jesu tinozviziva kuti ndiwe landlord wehupenyu, but tichazokunamata zvedu nekufamba kwenguva. Tichakupa hupenyu hwedu kana isu tambohushandisa tichiti twabam twabam tichidya nyama semapere. Hatingangotendeuka zvekumhanya Jesu. Hatingatendeuke tisina kumbostika, tisina kumbofarisa zvekufura hunhu sedzihwa, kwete netishu asi nemaoko wobva wahuti pwata.”

Apoka apo, vanodheerera vanhu ava, vanodheerera nekuti vanoziva kuti kutendeuka hakumanikidzwe, kana kuramba Jesu hakurovese nekuti Jesu ndiye akatorohwa kuti vanhu vaponeswe.

Asi iye Jesu haamanikidze vanhu kuti vauye kwaari. Jesu saLandlord akamirira kuti ubhadhare rent yako. Nyangwe achikwanisa kukupa notisi yekuti ubude, haadi kukuona uchichema sechemba yepamusika isina anoremekedza.

Vanodheerera, vanodheerera. Tiri kudheerera Jesu tichimuzadza nemadhaka kunge bhara rabhiridha. Tiri kumuita kuti aite seakafanana nesu. Tiri kushevedza Jesu paanenge achifamba, asi hatisi kumushevedza sekushevedza kwaBhatimiyo bofu akati, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo ngoni.”

Tiri kumushevedza tichiti Jesu tinozviziva kuti ndiwe Landlord, asi mubvunzo wako wekuti tiri kufungei nezveRent yatisati tabhadhara, rent yekutendeuka kuti tisiye zvakaipa mubvunzo wekutidheerera nekuti unofunga kuti hatifunge. Tiri kuudza Jesu kuti tinozviziva kuti ndiye musiki wedu, asi tichazomunamata kana tapedza kunama mapoto ekudhakwa, nekutora maSelfie takaSlayer.

Jesu anoita kunge asina basa nekudheererwa, asi ane basa nekudheerera. Jesu ari kukuona uchidya chikafu chake nekuti uri kuudza vanhu kuti chikafu chaJesu ndechenyu mese. Nyangwe Jesu achitaura kuti “kumba kwaBaba vangu kune dzimba zhinji dzekugara,” kune vari kumona chamba vachiti Jesu anobvumira hutsi hwedhobhu mudheni dzake dzekudenga here. Ndiko kuti tsemu tsemu boyz rangu.

Jesu anodheerereka nekutsemukirika, asi kana ave kutonga zvakaipa munenge musisati tsemu tsemu, twabam twabam twabam.

Vanhu vanodheerera zvekuti vanokanganwa kuti panyika pano pavakagara ndepaJesu. Vanotora bhutsu dzaJesu dzaasiya pamusiwo vachidzipfeka, votoenda nadzo kunotenga bronco. Vanodheerera zveshuwa.

Asi kunyarara kwaJesu hakureve kuti haana simba. Tarisa paakafamba napo uchaona kuti nyangwe ari hwayana yaMwari akasiya matsimba eshumba nekuti ishumba. Jesu haatadze kumisa vanhu kana akakwanisa kumisa mvura semadziro.

Jesu haapererwe nekuti paidiwa chikafu chevanhu 5 000 akanamata vese vakaguta nehove mbiri nezvingwa zvishanu. Saka usadheerere kana kumutsemukira.

Ndiri kutsvaga kuti chii chasara chisati chadhiritswa nemweya wekudheerera. Vana vadiki mudzimba vave kudheerera vabereki. Vabereki vave kudheererana, kupopotedzana, kurovana nekubiridzirana. Kumayunivhesiti havachatsvaga ruzivo asi  weave. Kumabasa vasina ruzivo vave kutungamirira. Vachata nhasi mangwana havachada wavakachata naye.

Kudheerera kwapfeka bandage dress. Asi bandage dress rinotaura kukuvara hunhu nekuti chinobhandhejwa muviri unenge wakuvara.

Iwe, usadheerere Jesu asi kana wakangwara muteerere. Twabam twabam!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey