Kutsindira nhava

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

PARI zvino nhava yedu yava kuremawo zvine mwero asi haisati yazara. Tiri kuenderera tichitsokera kudzamara yanyatsotsindirana tozotora dumbo tobva tasona tichimirira ramangwana apo tichazoivhura tapinda muchikoro chepamusoro.Tinoenderera mberi tichitarisa mazwi anoreva zvakafanana kuitira kuti tisazorega kukahadzika kana tonzwa zvotaurwa neimwe nzira. Mukurarama kwedu tichaenda nzvimbo dzakasiyana, saka kana tiine hwaro hwakakwana hatizonetseki kana kukahadzika.

Vazhinji vanoziva kuti chatinorunga mumuriwo chinonzi munyu asi kune dzimwe nzvimbo munyu unonzi chai. Chibage chatinobika chiri pamuguri tochiyanika chinonzi mumhare asiwo rimwe divi chinonzi chagwanda.

Kana tichifudza mombe tinoruka chinonzi chiwepu kana kuti chamboko. Chamboko ichocho chinodaidzwa kuti chikoti kana kuti tyava.

Tikadya zvimwe zvidyiwa tinopedzisira tobatwa nedambudziko rinonzi chirungurira.

Chirungurira nerimwe zita chinonzi tsvana.  Rimwe zita rinoreva tsvana ndichimera.

Muchero wemusango unonzi damba unodaidzwa zvakare kuti chidyahumba.

Paminwe yedu yeruwoko pane watinoshandisa kunongedzera. Munwe iwoyo unonzi munongedzo. Munongedzo ndiwo mukokotamugoti.

Kune shiri inonzi gwenhuru kana kuti chigweture. Iyi shiri inodaidzwazve kunzi chimukombiro.

Pamombe kana yaurayiwa vavhiyi vanodambura kanyama kesusu vodya kari kambishi. Kanyama ikaka kanonzi kasusuvarisi kana kuti chiridzamheterwa.

Munogara mbudzi munonzi muzumbu kana kuti muchirugu.

Musikana anoshayawo kana mukomana anombomushanyirawo neshoko rerudo kana kumbopfimbwawo anonzi ane chitsinha.  Chitsinha ndicho chinzvi.

Kune chatinoridza nemuromo vanhu vachitamba chinonzi chipendani. Rimwe zita rechipendani ndichidandari.

Munhu akapfuma akatsvinda anonzi njonda kana kuti chigwiri.

Vabiki vedoro rendari vane maitiro avanoita nehwahwa hunenge hwasara pakunwiwa.  Vanozohusvinazve patsva kuti vaburitse humwe hwahwa uhwo hunenge hwati siyanei pakudhaka nekunaka pane hwekutanga.  Hwahwa ihoho hunonzi muchaiwa kana kuti chikahanwa.

Vana vaduku vanobatwa chirwere chenhova. Rimwe zita renhova rinonzi chikahara.

Mwana wekupedzisira mumhuri anonzi gotwe kana kuti chigumaura. Chifundi zvinoreva ziya kana kuti dikita.

Kuvanza chinhu kutaura usingaburitsi chokwadi. Rimwe izwi rinoreva kuvanza ndisvisa.

Kurunzira kufurira kana kunyengera.

Chififiro ndizvo zvimwe chete nekuti chihururu.

Dzimba dzekumusha dzinoiswa uriri hwemadhaka pasina simende nekudaro uriri hunoda kutsindirwa nechikuvauro ichozve chinodaidzwa kuti gwembe.

Share This:

Sponsored Links