Kuwanana nekutizira

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

WANANO yandakatsanangura muchikamu chapfuura ndeye vanhu vanenge vakavimbikana uye vakatorana nekuzivisana zvisina mhosva mukati.

Asika, kune vamwe vanogona kuroorana mushure mekunge paitwa mhosva kana twunyaya nyaya. Hazvirevi kuti pakaita mhosva vanhu havagone kubvisirana pfuma. Vanoripiswa mhosva dzavo dzavakapara vochipinda mugwara chairo rewanano.

Imwe yemhosva dzinogona kuparwa navanodanana kuitisana pamuviri vasati varoorana.

Kana musikana abata pamuviri haachakodzera kugara pamba pevabereki vake nekudaro anoenda kumba kwemukomana wake kaverevere zvichingozivikanwa nemukomana samarongero avo. Iyi nzira yekuwanana inonzi kutizisana kana kutizira.

Vabereki vemusikana atizira vanoda kuziviswa kuti mwana wavo aripi. Nekudaro mukuwasha anofanirwa kuzivisa nemari. Mari inobviswa nemukomana kuzivisa vana tezvara kune mwana wavo inonzi tsvakiraikuno.

Mushure metsvakiraikuno mukuwasha anofanirwa kuzivisa vanatezvara nezvezuva raachaenda kunoroora kubudikidza nemunyai. Kana azivisa uye vakawirirana, vanochisangana pazuva iroro. Apa kunenge kuri kumakwishu nekuti mukuwasha anofanirwa kutanga aripa matadzo ake asati apinda mugwara chairo rekuroora.

Mukuwasha anofanirwa kuripira kutizisa kuya kwaakaita mwana wevaridzi. Anofanirwa kubvisa mari inonzi mhoyamusha. Kutizira kunoita mwanasikana kumukomna zvinoreva kuti anenge aine pamuviri. Iyi imhosva huru inopihwa kumukuwasha yekupa mwana wevanhu pamuviri asina kumuroora.

Mhosva iyi inoda kuripwa nekubhadhara mari inonzi pwanyazhowa kana kuti matyorwa. Mari iyi inonyanyozivikanwa nezita rekuti dhemeji (damage)

Kana mukuwahsa abvisa zvibinge izvi anochibvumirwa kupinda mugwara chairo rekuroora. Anochitanga kubvisa vana sunungura homwe, vhuramuromo, makandizwanani, zvichingodaro negwara razvo kusvika asvika pamagumo apo panozodyiwa mapasuru vanhu vofara.

Kuroorerana hakugumire mukupfatsura mapasuro kana kudya mafidyongo. Kuroorena hwatova hukama. Varoorerwa vava kunzi vatezvara kana kuti sezawani. Mai vomurume vonzi vamwene iye nyakuroora anenge onzi mukuwasha kana mukwambo.

Kana mwanasikana aroorwa pamuviri pake pokutanga panofanirwa kunokusungukirwa kumba kwevaberki vake. Nokudaro, mukuwasha anofanirwa kukumbira vanatezvara kuti vabvume kutambira mwana wavo. Saka mukuwasha anokumbira nekupa vana tezvara vake muripo wembudzi mbiri. Muripo uyu unonzi masungiro.

Pakuroora paya mukuwahsa takati anobvisa pfuma yedanga tikati dzimwe dzacho dzinotsika. Mombe dziya dzinotsika dzinofanirwa kunoonekwa navatezvara. Tezvara havangosimuka vononanga kumukuwasha. Vanoda kusimudzwa sababa vemudzimai saka kuti vasumuke vanopihwa mari inonzi rusumudzo.

Vasvika ikoko vanoona danga ravo (mombe dzavo). Variona vachada kutinha danga riya vonanga kwavo. Ipapo havangotange zvakare kutinha danga ravapihwa voenda asi kuti sababa vemudzimai vanoda mari yerushamhu kuti vakwanise kutinha mombe dzavo vachienda kwavo. Hatisakanganwe kuti vakapihwa rusumudzo kubva kwavo vachisvika kumukuwasha hazvigumire ipapo.

Mukuwasha asvika padanga kunongedzera vana atezvara danga ravo anofanirwa kuvapa mari yemunongedzo. Ndiko kusaka vachiti mukuwasha muonde haaperi kudyiwa. Nyaya yewanano tinoipedza muchikamu chinotevera apo tichabata dzimwe nzira dzokuwanana.

Share This:

Sponsored Links